Voona mazai akanyorwa mazita evanhu

16 May, 2022 - 08:05 0 Views
Voona mazai akanyorwa mazita evanhu VaWebster Chikukwa

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

DAMBUDZIKO remhuri yekwaMarange kwaMutare, iyo yasangana nemashiripiti ekutemwa nematombo anongobva mumhepo pamwe nekutswinywa, rawedzera sezvo pari zvino vachinzi vari kuona mazai ari kukandwa mudzimba nepachivanze chavo ayo anenge akanyorwa mazita avo.

Kubva nemusi weChishanu wadarika, mhuri yekwaChikukwa inonzi iri kuona mazai akanyorwa mazita aCasper Chikukwa, Webster Chikukwa, Ephraim Chikukwa naAdmire Chikukwa.

Mazai aya ari kukandwa pamwe chete nezvimwe zvinhu zvinosanganisira tsono, mhiripiri nedota.

Chinoshamisa ndechekuti mazai aya anonzi anonyangarika kana vemhuri iyi vakashevedza muporofita wekuti azovabatsira asi achibva adzoka zvakare paanenge abva pamusha apa.

Mazai aya anonzi akatanga kuonekwa pamusuwo wemba yaVaCasper Chikukwa kune mumwe musha uko mhuri ina idzi dzakatizira mushure mekunge pamusha pavo pasisagarike nekuda kwematombo anongokandwa achibva mumhepo.

Mazai aya ari kuonekwa zvakare muminda nemuimba yekugezera.

Nemusi weSvondo wadarika, rimwe zai rinonzi rakaonekwa pamubhedha panorara VaCasper Chikukwa nemudzimai wavo, Mai Georgina Mugova, masikati machena.

Imba yavakugara vanhu 20 vemhuri yekwaChikukwa

VaCasper Chikukwa vanoti vatsvaga rubatsiro kumaporofita anosvika mashanu uye vari kuudzwa kuti mashiripiti aya ari kukonzerwa nemumwe wemumhuri mavo.

“Takaudzwa kuti zviri kuitika izvi hazvinei nengozi.

“Maporofita anoti pane mumwe wemumhuri medu anoda kuti tose tife. Vakati mazai aya haazi ehuku asi kuti ndeemheni. Kana nyaya iyi yakasafambiswa zvakanaka, vanhu vanogona kurasikirwa neupenyu,” vanodaro.

Mai Mugova vanoti svondo rapera vakaona mazai aya anosvika 30.

“Takapedzisira tave kusandura nzira dzatinofamba nadzo, asi mazai aya ari kuramba achingoonekwa. Nemusi weSvondo takaona zai pamusuwo wemba nerimwe pamubhedha watinorara,” vanodaro.

Mumwe muporofita weJekenisheni Church, Sydney Mukwapatira, anoti vemhuri yekwaChikukwa vari kushandisirana huroyi.

“Mumwe wemumhuri yekwaChikukwa anoda kudeura ropa. Kana vanhu ava vakasawana rubatsiro, havarege kusangana nerufu. Pane ari kuda kuti vafe semhiko dzake.

“Mazai aya anomirira upenyu, uye kana rimwe remazai aya rikapunzika, munhu ane zita riri pazai iroro kana vamwe vanomutevera vanofa. Vanofanirwa kutosimba panyaya yekunamata.

“Kana pakave nerufu, varoyi nevamwe vanoshereketa chokwadi vanoita musha wavo dambiro ravo,” anodaro.

Mukuru wesangano reZimbabwe National Traditional Healers’ Association (Zinatha), VaGeorge Kandiero, vanoti vemhuri yekwaChikukwa vanoda rubatsiro rwenyanzvi dzezvechivanhu.

“Pagara paine dambudziko maringe nepfuma yose inowanikwa nenzira dzisina kunaka. Kana nyaya iyi ikasabatwa zvakanaka, mumhuri umu muchafiwa.

“Vanogona kurasikirwa neupenyu havazi avo chete vane mazita akanyorwa pamazai aya asi kuti nevemweya vari kuzama kuvabatsira kana vachinge vasina kusimba.

“Vemhuri iyi vanokwanisa kubatsirika kana vakatsvaga ruyamuro kunyanzvi dzedu. Ichi ndicho chikonzero sangano redu riripo,” vanodaro VaKandiero.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>