Uncategorized

Vopona nematohwe baba vari kubasa

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
Vopona nematohwe baba vari kubasa Astley (kuruboshwe) naAshton Masvingise

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VANAKOMANA vaviri vanogara kwaGutu, kuMasvingo, vari kurarama upenyu hunorwadza zvichitevera kutizwa kwavanoti vakaitwa nababa vavo vachienda kunogara nemudzimai wavo kubasa kwavo kuChiredzi.

Astley Masvingise (22) naAshton Masvingise (19) — avo vakashaikirwa naamai vavo — vari kugara mukamba kehuswa mubhuku raMatungamidze, kwaMambo Mawere, ako kavanoti vakavakirwa nababa vavo, VaAlbert Masvingise, ndokunzi vagaremo vasina muriritiri.

Amai vevakomana ava vakashaika mugore ra2008 vose vachiri vadiki uye vaimbogara kuZaka kwaimbenge kwakavakwa nababa vavo.

“Amai vafa takamboenda kunogara kumusha kwaamai uko takazobva vave kutadzawo kutichengeta. Takazombonogara nababa kuHippo Valley, kuChiredzi, sezvo vari gadhi, uko vakazotidzinga.

“Vakazotivakira kamba kwaGutu kunova kwatakatanga kugara toga mugore ra2010 tisina pekutangira kana mari yekuti tiende kuchikoro,” anodaro Astley.

Vakomana ava vakatanga kugara voga mukuru aine makore 11 okuberekwa, mudiki wacho aine makore 9 apo vanoti vairarama nemaricho nekutengesa matohwe izvo zvaiita kuti vawane zvekudya nezvekupfeka.

Ashton anoti baba vavo havachada kana kutaura naye panhare uye vakatomuvhara (blocker) izvo anoti haazive kuti zvinorevei.

“Chimwe chinhu chaitiraramisa, taibika masamusa tichitengesa muvanhu avo vaititsigira nekutinzwira tsitsi,” anodaro Ashton.

Kuburikidza nekushingirira nekunzwirwa tsitsi nevakuru vepachikoro paaidzidza, Astley akakwanisa kubudirira muzvidzidzo zvake zveFomu 4 ndokuenderera mberi kusvika Fomu 6 akabuda ne15 poinzi asi akazoshaya mari yekuenda kuyunivhesiti.

“Ndinoda kuita Computer Engineering asi mari hapana, ndakanga ndauya kuzoita garden boy kuno kuHarare ndokutanga kurwara nepfungwa ndikazorapiswa nevandaishandira.

“Ndakazotorwa naamaiguru vanogara kuMhondoro uyu Ashton ndiye akazosara kumusha oga. Ndini ndaimbomupa mari yechikoro asi zvino hapasisina,” anodaro.

Imba inogara Astley naAshton Masvingise kwaGutu.

Ashton ari kuitawo Fomu 6 pachikoro chimwechete chakadzidza mukoma wake cheMawungwa High School chiri kwaGutu apo ari kuita zvidzidzo zvinoti Pure Mathematics, Business Studies neComputer Science.

“Kuchikoro ndiri kuenda asi mari yechikoro handina, kuri kudiwa examination fees ye$78 uyewo ndagara ndiine chikwereti che$380 yefizi. Tinokumbira kuruzhinji rwenyika kuti vatibatsirewo,” anodaro Ashton.

Astley nemunin’ina wake vanotenda mukuru wechikoro cheMawungwa High School, VaMundanga, nemutevedzeri wavo, VaDavid Callen, nekuvanzwisisa padambudziko ravo.

Ashton anoti ari kudawo kuenderera mberi nedzidzo yake kusvika kuyunivhesiti kana achinge akunda muzvidzidzo zveA-level.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nababa vevana ava kusvikira pakunodhindwa kwebepanhau rino sezvo nhare yavo yaisabatika.

Kune vanoda kubatsira vakomana ava vanovabata panhare dzinoti 0779 105 734.

Zvichakadai, mushamarari weStar FM — Tilder Moyo-Karizamimba — akakoka vakomana ava kuchirongwa chaanoita cheTilda Live nemusi weChipiri ndokuzovapa chipo che$950 inova mari yakabva kuvatereri venhepfenhuro iyi vachimukorokotedza pabhavhadhe rake.

Share This:

Sponsored Links