Uncategorized

Vopumhana huroyi. . . Murume oti ndiwe, mukadzi achiti ndiwe

07 Jan, 2021 - 10:01 0 Views
Vopumhana huroyi. . . Murume oti ndiwe, mukadzi achiti ndiwe Nkani Khoza

Kwayedza

Gibson Mhaka
MURUME wekuBulawayo ari kunetsana nemudzimai wake munyaya inoita kunge bhaisikopo apo vose vari kupumhana huroyi.

Nkani Khoza — uyo anove muridzi wekambani inosona nekutengesa mayunifomu echikoro yeTotally Uniforms — ari kupomerwa nemudzimai wake, Virginia Khoza, kumushungurudza nekugara achimutuka nekumurova.

Virginia anoti murume wake anoda kumuramba uye kuti asave nechekuita nekambani yavo iyo akabudira ziya achiishandira kubvira payakatanga.

Akataura mashoko aya mudare reBulawayo Civil Court apo aitsvaga gwaro redzviriro kubva kumurume wake.

“Ndiri kukumbira gwaro rinondidzivirira kubva kumurume wangu uyo ari kugara achindituka nekundishungurudza mupfungwa nemuzviito kubvira munaKurume 2020. Anonditi ndinoroya.
“Zvekare ari kundityisidzira achiti anoda kuti ndisave nechekuita nekambani yemhuri yedu pamwechete nekutora makiyi emota. Handisisina rugare nekuda kwekundishungurudza kwaari kuita,” anodaro Virginia.

Achipawo divi rake, Nkani anoramba zvose zviri kutaurwa nemudzimai wake.
Anoti mudzimai wake munhu wemhirizhonga uye rimwe zuva akambomuudza kuti kana akangoda kumuramba chete anomubaya nebanga.

“Ndinopikisana zvachose nechikumbiro chake. Zviri pachena pane zvaari kutaura kuti gwaro iri haazi kuda kurishandisa mune zvakanaka. Gwaro iri riri kunzi nderekushungurudzwa kuburikidza nekurohwa uye nemuzviito izvo zvisipo,” anodaro. Nkani anoenderera mberi achiti, “Pabasa iye ndimaneja uye ini ndiri chief executive officer. Anofanirwa kuve pasi pangu, asi anoramba kuita zvandinenge ndichimuudza achiti takaenzana pamasimba.

“Dambudziko redu rakatanga munaKurume apo akanyatsojekesa izvi mushure mekunge mwanakomana wangu wandakaita mune imwe wanano auya kuzoshanda nesu pakambani iyi. Akashatiriswa nazvo ndokutanga kuti ini ndinoda kuti azove mudyi wenhaka yebhizimusi redu.

“Ndakamuudza kuti ndaingobatsirawo mwanakomana wangu kuti akwanise kuwana raramo.
‘‘Asi iye ari kukanganwa kuti ndakarera vana vake vatatu vaakaita nemumwe murume uye tichiri kugara nemumwe wavo. Ari kugara nesu asingabhadre rendi asi handina kumbobvira ndagunun’una nazvo.”
Nkani anoti mudzimai wake akarambidza hama dzake dzose kuti dzivabvakachire kumba kwavo kuParklands, kwakare kuBulawayo.

“MunaMbudzi ndakashaikirwa navatete vangu kuChiredzi uye ndakarwadziwa paakati vafa vaenda kuGehena zvachose. Akarova zvakare pamwe nekutukidzira hanzvadzi dzangu mbiri dzinogara kuBeitbridge mushure mekunge aendako,” anodaro Nkani.

Anoti akambozama kuti vakuru vekuchechi kwavo vamuyananise nemudzimai wake asi zvakaramba.
“Apo maeridha (elders) vekuchechi vaida kutiyananisa, akabva atanga kuita mhirizhonga zvikaita kuti musangano wacho wekutiyananisa usaenderere mberi. Akaramba achiita mhirizhonga patakasvika kumba apo akazotora banga hombe remuimba yekubikira ndokutanga kuratidza kuti aizocheka sei dumbu rangu kana ndikangomuramba,” anodaro Nkani.

Anoenderera mberi achiti, “Akamboona nyoka mumba medu uye payakatsakatika akati ndeyangu. Zuva rakatevera, vana vakaona nyoka iya zvakare mumba ndokubva ndatora mvura inopisa ndokuidira ichibva yafa. Pandakamuudza kuti ndaive ndauraya nyoka yaaiti ndeyangu, akati anozviziva kuti ndinosangana nevamwe vanhu munyika yemweya tichiita mabasa erima.”

Zvisinei, Virginia akaramba achisimbisisa kuti murume wake anomushungurudza nekugara achimuti muroyi.
“Ndini ndakaenda kuvakuru vekuchechi yedu ndichida kuti vamutsiure sezvo anonditi ndiri muroyi uye ndakauraya aimbove murume wangu nababamukuru vake,” anodaro.

Mutongi Nomasiko Ndlovu akarasa chikumbiro chaVirginia mushure mekunge atadza kutsanangurira dare kuti sei akaenda kuBeitbridge uko akanorwisa hanzvadzi mbiri dzemurume wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>