Uncategorized

Vorohwa nematombo anobva mumhepo

06 May, 2022 - 18:05 0 Views
Vorohwa nematombo anobva mumhepo VaWebster Chikukwa vachiratidza imwe yeimba yavo iri kutemwa nematombo anongobva mumhepo

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MHURI yekwaMambo Marange kwaMutare yakatarisana nedambudziko gugutu rekutemwa nematombo anongobva mumhepo, kurohwa uye kutswinywa nezvinhu zvisingaonekwe.

Pamwe moto unongobatira woga uchipisa zvipfeko zvavo.
Sekunge izvi zvishoma, vana vemumhuri iyi vari kubvutirwa zvakare chikafu mumaoko izvo zvave kuita kuti vagare nenzara.

Mhuri yakatarisana nedambudziko iri ndeyekwaChikukwa inogara kwaSabhuku Masasi iyo ine vanhu vanosvika makumi maviri.

Matombo ari kubva mumhepo ari kutema vemhuri iyi anonzi akatanga ari madiki emhando yehurungudo asi ndokuzosanduka vave kutemwa nemakuru.

Izvi zvakaita kuti vamwe vemhuri iyi vachere zigomba hombe umo vari kuhwanda kuti vasatemwe nematombo aya.
Kana vari muzigomba iri, vanovhara miviri yavo nemagumbeze kuti vasakuvare nekuda kwekutemwa uku.
VaWebster Chikukwa (44) nevanakomana vavo vanosanganisira Wellington (20) naWashington (15) ndivo vanonzi vakatanga kutemwa nematombo aya muna2019.

VaWebster Chikukwa vanoti vakatosiya basa kwaMutare kwavaishandira nechinangwa chekuti vaonerane nemhuri yavo dambudziko iri.

Apo vatori venhau vakashanyira mhuri iyi nemusi weChitatu svondo rino, vakavhiringidzwa kakawanda hurukuro yavaiita nemhuri iyi sezvo matombo aya aikandwa kubva mumhepo nguva nenguva.

Chikwata chevatori venhau chakapukunyuka sezvo chisina kutemwawo.

Wellington, uyo anonzi ndiye ari kunyanya kutemwa nematombo aya, akazokumbirwa kuti amire kunze kwemusha apo paiitwa hurukuro iyi nevatori venhau uye sezvaitarisirwa, matombo aya akamutevera ikoko.

Izvi zvakapa vatori venhau mukana wekukurumidzira kubvunzurudza vamwe vemhuri iyi pamusoro penyaya iyi.
Vatori venhau vakayambirwa kuti vasiye motokari yavo pamusha wemuvakidzani, chinhambwe chakachengetedzeka kubva kumatombo anokandwa aya.

“Pane imwe nguva ndiri kuBuhera ndaenda kune mumwe muporofita, takarara mumotokari ichibva yatemwa mahwindo nematombo aya,” vanodaro VaWebster Chikukwa.

Vanoti pakatanga manenji ematombo aya, vaishanda kwaMutare apo vana vavo vakange vasara voga kumusha.

VaWebster Chikukwa vanoti pekutanga, vakambofunga kuti pamwe pane aiita zvedambe achikanda matombo aya.
Zvisinei, apo matombo aya akavatevera achitema vana vavo kuchikoro, vanoti vakabva vaziva kuti nyaya iyi yaive nezvakavanzika mairi.

“Zvakatanga nehurungudo. Mushure menguva yakati kuti, matombo akatevera Wellington kunyange kuchikoro.
‘‘Matombo aya aparadza musha wedu, kusanganisira matenga. Kurwiswa kwacho hakuperi.
“Taenda kumaporofita akawanda asi matombo anotitevera ikoko. Chokwadi, maporofita akaedza kutibatsira asi vakarwiswawo.

“Takatengesa mombe imwe chete yataiva nayo tichiedza kugadzirisa dambudziko iri, asi hapana chasanduka,” vanodaro VaWebster Chikukwa.

“Matombo aya anga achitevera nekurwisa munhu wese kwese kwatinoenda. Zvakazonyanya kuna Wellington ndikabva ndasiya basa kwaMutare kuti ndiuye kuzogara nemhuri yangu panguva yakaoma kudai.

‘‘Matombo ari kuparadza dzimba dzedu. Sekunge izvi zvishoma, mbatya dzedu dzinobatirawo moto.”

VaWebster Chikukwa vari kumbira kune vanokwanisa kuvabatsira kuti vavanunure kubva mudambudziko iri.
Vanakomana vavo vaviri vakatosiira chikoro panzira nekuda kwedambudziko iri sezvo matombo aya kana vari kuchikoro akange obatanidzira kutema nevamwe vana vanodzidza paMasasi High School.

Wellington aive muForm 2, ukuwo Washington ari Form 1 pavakasiya chikoro.

Achirondedzera nhamo yake, Wellington anoti zvaimurwadza kuona shamwari dzake dzichibatanidzirwa kutemwa nematombo ari kuchikoro.

“Ndaichema zvikuru uye vamwe vaingonditarisa pasina rubatsiro.

“Mudzidzisi wangu ndiye akandiyambira kuti ndizivise vabereki vangu zvaiitika kwandiri kuchikoro. Kubva iapa, handisati ndambotsika kuchikoro zvakare,” anodaro Wellington.

“Kurwiswa kwacho kwakanga kwatonyanya mukirasi, kunyange kumunin’ina wangu. Tose takasiya chikoro munaKurume gore rakapera.”

Mudzidzisi wepaMasasi High School, VaMatthew Rwanga, vanotsinhira dambudziko rekutemwa nematombo anobva mumhepo kwevana vekwaChikukwa apo vaive pachikoro.

“Wellington aingoridza mhere achiti ari kurohwa. Zvaiva pachena kuti pane zvaiitika uye kuti aida kubatsirwa. Zvinorwadza kuti akazosiya chikoro,” vanodaro VaRwanga.

Muramu waVaChikukwa, Mai Georgina Mugova, vanoti vave kuenda vachinodyisa kana kuti kupakicha vana vemukoma wavo nemaoko nechinangwa chekuti vasabvutirwe chikafu mundiro nezvinhu zvisingaonekwe.

“Takaona kuti pane chaitora chikafu mundiro dzevana tikatanga kuvapa chikafu tichirinda ndiro izvo zvakapedza dambudziko iri.

‘‘Zvisinei, hatikwanise kuramba tichipa vana vose vari gumi nevatatu chikafu chichibva mumaoko zuva nezuva,” vanodaro Mai Mugova.

Muzvare Violet Binze vanotiwo vana vavo vatatu vanochema-chema nekutswinywa pamwe nekurumwa nezvinhu zvisingaonekwe.

“Handina kumboona munhu wacho achizviita, asi ndinoona mavanga ekurumwa nekutswinywa pamiviri yevana vangu,” vanodaro.

Nemusi weChina chino, VaWebster Chikukwa vakaridzira mutori wenhau uno nhare vachiti vainge vapedza husiku hwese vari mumunda nemhuri sezvo kurwiswa kwacho nezvinhu zvisingaonekwe izvi kwatonyanya zvichitevera kushanya kwaive kwaita Kwayedza pamusha pavo.

“Zvaive zvakatonyanya nezuro (Chitatu) manheru. Zvaiita sekuti tairangwa kuti sei takataura nemi.
‘‘Matombo makuru akakandwa kwataiva ndokupinda mumagumbeze edu. Ndakachekwa nzeve yangu uye musana wangu nekuda kwekurwiswa. Takanorara kumunda nevana vose. Batsiraiwo mhuri yangu,” vanodaro.

Mhuri iyi iri kudawo chikafu chekupa vana vayo gumi nevatatu avo vane makore okuberekwa ari pakati pemaviri kusvika 18.

Nyaya iyi yakapindawo mudare raMambo Marange ndokubuda kuti mukoma waVaChikukwa, VaVincent Chikukwa, anonzi akaponda Rimen Jaramani apo vaikorokoza goridhe kuOdzi muna2019.

Zvinofungidzirwa kuti mweya wengozi yaJaramani ndiwo uri kukonzera maminimini ari kuitika mumhuri yekwaChikukwa.

Baba vemhuri yekwaChikukwa, VaBenjamin Chikukwa, vakabhadhara faindi yemombe nhatu yekubvuma mhosva mudare raMambo Marange.

Sadunhu Nemasasi vanotsinhira nyaya iyi vachiti mweya wengozi uyu uri kuda kuripwa nemombe nomwe nembudzi shanu kubva kumhuri yekwaChikukwa.

“VaChikukwa vabvuma kunyaradza mweya wengozi uyu. Takavapa mazuva maviri ekuti vaite izvozvo uye vanofanira kudzoka kuno neMugovera nekuti vari kurwiswa nematombo siku nesikati.

‘‘Tese tinotyira upenyu hwavo. Mamiriro ezvinhu aya anofanirwa kugadziriswa nechimbi-chimbi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>