Uncategorized

Voronga kuviga Tapiwa Makore

10 Mar, 2021 - 13:03 0 Views
Voronga kuviga Tapiwa Makore Tapiwa Makore jnr

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI yekwaMurehwa – iyo ine mwana mukomana wemakore manonwe ekuberekwa uyo akapondwa gore rapera, mutumbi wake ndokuzowanikwa wakabviswa musoro, makumbo nemaoko – inoti yava nehurongwa hwekuviga mutumbi uyu kupera kwemwedzi uno.

Tapiwa Makore Jnr akapondwa munaGunyana gore rapera uye pane vanhu vane chitsama vakatosungwa nemapurisa nekuda kwemhosva iyi avo vanosanganisira vemhuri yekwaMakore.

Vamwe vevakasungwa ndiTapiwa Makore Snr (57), mufudzi wake wemombe anonzi Tafadzwa Shamba (47) naThanks Makore.
Mhuri yekwaMakore yange yakamira kuviga mutumbi wemwana uyu vaine tarisiro yekuti musoro wake uchawanikwa sezvo Mambo Mangwende vachinzi vainge vamboti zvinoyera kuviga munhu asina musoro.

Zvisinei, Mai Beaulla Musupai (48) – avo vanova mutauriri wemhuri yekwaMakore – vanoti Mambo Mangwende vakazovabvumidza kuviga mutumbi wemwana wavo usina musoro nedzimwe nhengo.

“Takambomirira mapurisa kuti vafambire mberi nekutsvaga musoro wemwana uyo usati wawanikwa kusvika nhasi. Zvekare taiva takamirira kuti nyika idzikame padenda reCovid-19 kuti tizokwanisa kuviga Tapiwa zvine mutsigo pachikwanisa kuuya vanhu vakawanda.

“Zvino Hurumende yaramba ichiti vanhu 30 ndivo vanofanirwa kuva parufu nekudaro taona kuti zvingarambe zvichienda kure saka tave kuronga zuva rekumuviga iwo mwedzi uno,” vanodaro Mai Musupai.

Vanoti mutumbi waTapiwa wakachengetwa neimwe kambani inoviga vafi ichizviita pachena.

Mai Musupai vanotizve hurongwa hwekuviga mutumbi uyu vakahusvitsa kugweta ravo, Mai Tabitha Mwayera, avo vanotsinhira nyaya iyi.

“Tiri kuviga mutumbi wemwana mwedzi uno, taurai pashure apo tinenge tava nezuva chairo,” vanodaro Mai Mwayera.

Gore rapera, mhuri yekwaMakore yakanga yachera guva raizoda kuvigwa mutumbi wemwana uyu iro rakasiiwa rakavhurika kusvika nanhasi uno.
Mai Musupai vanoti vachanzwa kuvakuru venzvimbo kuti zvinoitwa sei pachivanhu nekuda kweguva rakashama iri.

“Nyaya yeguva rakagara rakacherwa tichanzwa kuna mambo wedu kuti roitwa seiko,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links