Uncategorized

Vorwariswa nemvura ‘inorutsirwa’ nezinyoka

01 Dec, 2021 - 14:12 0 Views
Vorwariswa nemvura ‘inorutsirwa’ nezinyoka

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUNE mhuri dzekuShamva dzine vanhu vari kurwara nechirwere chavanongodaidza kuti “black disease” icho chiri kuvaita kuti vasvibe ganda, richiita maduzu ayo anozoputika, ganda richisara rasviba uye rozovhunura kana kuti kufunuka kuchibuda rimwe dema.

Izvi vanofungidzira kuti zviri kukonzerwa nemvura yavanonwa yemubako raive mugodhi kare kare, iyo yavanoti inosvipirwa mate kana kuti mafuro nezinyoka rinogaramo.

Vanhu vepamugodhi weLex kana kuti paGomo Tafuna Hills, vanoti mvura yavanonwa ndiyo iri kuvarwarisa sezvo mugodhi kana kuti mubako mavanoichera muchigara zinyoka rerudzi rwerovambira iro rinoonekwa nenguva dziri kure apo rinenge richisvipira mate kana kuti mafuro mumvura iyi.

Nyaya iyi yabuda zvichitevera hurwere hwemhuri yekwaMhandu nevamwe vanhu vakawanda avo vari kutorwara vachikwatuka kana kufunuka ganda – kubva kumusoro kusvika kutsoka uye vanoita mapundu nekushaya simba.

Kuchipatara cheShamva vanoti vanoudzwa kuti chirwere chacho hachinzwisisike.

VaTendai “Giant” Mhandu (52), mudzimai wavo Mai Irene Mhandu (42), mwanasikana Shupikai Mainga (29) nemwana wake wemakore matatu okuberekwa ose vari kurwara vachivhunura nekukwatuka muviri vachiita makwapa matema.

VaMhandu nemhuri yavo vanoita basa rekuchera goridhe uye pane mashoko anoti vari kurwara nekuti vakaromba kuti vawane goridhe rakawanda inova nyaya yavari kuramba vachiti havana mishonga yakaipa yavakabata, uye dai zvaiva izvozvo, dambudziko iri ringadai riri mumhuri yavo bedzi.

“Ini ndakatanga kurwara ndichirutsa nyon’o ndichitadza kudya ndichibuda mapundu nekuvaviwa, makumbo achipera simba ndokuzodziuka maronda. Mashoko akatanga kufambiswa nevanhu vachinditi ndakaromba nekuda kwekuti ndine migodhi mitatu.

“Asi handizvo, handina mushonga wandakabata. Mhuri yangu yose, kusanganisira mudzimai nemwana nemuzukuru, vakazotangawo kurwara sezvandiri kuita izvi tikaenda kuchipatara cheShamva asi chirwere chikashaikwa,” vanodaro VaMhandu.

Vanoti vane fungidziro yekuti dambudziko iri rinobva mumvura yavanonwa inobva mubako waimbova mumugodhi wezvicherwa waimboshandiswa kare nyika ino isati yawana kuzvitonga kuzere.

Kunze kwekuva nenyoka inoonekwa nenguva dziri kure, mubako mavanochera mvura umu mune miremwaremwa yakawanda zvikuru iyowo inonzi inoitira nhoko mumvura iri kunwiwa neruzhinji.

“Muno takawanda tiri kurwara nechirwere chimwe chete ichi, kwete kuti ini ndakaromba. Nyanzvi dzekuchipatara cheShamva dzakauya dzikatora mvura yemumugodhi umu dzikaenda nayo kuti inoongororwa.

“Mumugodhi uyu munomboonekwa nyoka hombe, rovambira iro rinorutsira nekunwa mvura iyi zvinofungirwa kuti denda rekukwapuka ganda iri rinobva muhuturu hwenyoka iyi,” vanodaro VaMhandu vachiti asi ivo havasati vamboona chikara ichi kunze kwekungonzwawo nevamwe vanhu.

“Tose pano tinonzwa chiveve makumbo nemaoko uyewo maziso anovava. Tiri kutsvaga kubatsirwa,” vanodaro VaMhandu.
Mai Irene Mhandu (42) vanoti vatambudzwa nedenda ravasingazive kuti rakatanga sei.

“Baba havachakwanisa kufamba, basa pano pamusha remigodhi yedu mitatu rakatomira uye vashandi vakabvawo varega kusevenza pakarwara baba.

“Dambudziko iri tinofungira kuti rinobva mumvura yatinonwa nekugeza. Tinotanga kuvaviwa nekubuda tumhezi ganda richisvuuka, tinokwenya kusara wava kusvuuka. Ndokusaka tose tapera kusviba kuita tsito chaidzo nechirwere ichi,” vanodaro Mai Mhandu.


Vanoti vane imwe fungidziro yekuti dambudziko iri rinokwanisa kunge richikonzerwawo nemishonga inobva mumahora anoshandiswa mukudhuura matombo vanhu vachitsvaga goridhe kana kuti zvinogona kukonzerwa nemushonga wemercury uyo unoshandiswa mukorokoza goridhe.

Shupikai Mainga anoti vapererwa zvekushaya kuti vobatsirwa nani.

“Baba ndivo vakatanga, izvozvi havagone kufamba uye muviri wavo wose mavanga nemaronda bedzi. Takaenda kuchipatara asi chirwere chikashaikwa. Apo zvonzi baba vakaromba, hamheno,” anodaro Mainga.

Mai Rennia Kambwa vanoti dambudziko rehurwere hwemhando iyi rabata ruzhinji munzvimbo iyi yave kuzivikanwa nekunzi kuMabheti nekuda kwemiremwaremwa inowanikwa ikoko.

“Mvura iyi yakatsvuka, hatina kwatinogona kuwana imwe,” vanodaro Mai Kambwa.

Kuchiti sachigaro wemunzvimbo iyi, VaShacky Mbewe Mwene (54), vanotsinhira dambudziko rekurwara kwevanhu iri.

“Taita dambudziko pano paLex Mine kana kuti paGomo Tafuna Hills. Akatanga kurwara ndiGiant nemhuri yake uye izvozvi haachagona kufamba. Mhuri dziri kurwarirwa muno dzinodarika 15 vanhu vachiita zvimwe chetezvo,” vanodaro VaMbewe.

Vamwe vevanhu vakataurwa navo vari kuvhunura vachisvuuka makumbo nemaoko nekuita chiveve vanosanganisira VaSimon Dube (48), Mai Ever Chatambarara (29) avo vakatoshaikirwa nemwana nekuda kwechirwere ichi naMai Sofia Mushipe (30).

“Dambudziko iri tinotanga nekukosora kwakanyanya kozoteverwa nekubuda mhezi nekupera simba makumbo achiita chando. Chirwere ichi chanetsa muno,” vanodaro Mai Mushipe.

Mathius Sithole (36) mumwe wevanhu vakasvuuka ganda repasi petsoka nemumaoko nekuda kwechirwere ichi uye anotiwo ari kutsvaga rubatsiro rwekurapwa.

Share This:

Sponsored Links