Uncategorized

Vorwira chingwa nemafetikuku

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Vorwira chingwa nemafetikuku

Kwayedza

Tatenda Shuro
MURIDZI wemba akaendesa roja rake kudare redzimhosva achiti riri kumusvotesa richiti anopona nekudya mafetikuku kana kuti magwinya iro richidya chingwa mazuva ose.

Mitchelle Nherera akamhan’arira Malbamore Manyanga kuHarare Civil Court.

Nherera anoudza mutongi wedare iri, Noah Gwatidzo kuti, “Mambo wangu, uyu muroja wangu asi akangogara ari munhu ane ruzha zvokutoti nemamwe maroja vanongonetsana. Anondituka chaizvo, taitaura nyaya yechingwa iye ave kuti munhu wandinogara naye anotenga chingwa imi muchidya magwinya asi muri muridzi wemba? Anondidzikisira.

“Ndinoda kubatsirwa kuti amai ava vandipe mari yemba yangu sezvo vakanditi havachabhadhara asi vachigara pamba pangu. Ndakamuti abude nokuti ndinotukwa uye ari kundityisidzira achiti anoda kundirova.”

Achipawo divi rake, Manyanga anopokana nezviri kutaurwa naNherera.

“Ndinopokana nezvinotaurwa naamai ava nekuti handina kumbobvira ndavatuka asi kuti ivo ndivo vakatondituka uye ndinotova nevanhu vanogona kuuya votaura sezvandiri kutaura muno. Vakanditi makakura musingadye chingwa mave kushamisira, makakura muchitambura isu ndisu taichidya nekuti taive nemari kumba kwedu kunotova nemabhazi kutaura kuno ini ndikavati makagwinya chii?” anodaro.

Manyanga anoti Nherera ari kuda kusvibisa zita rake chete.

“Ndagara navo kwemakore ave kusvika matatu saka ndaingoti semuridzi wemba, andipe notice ndongobuda asi chandinoona ndechekuti vari kuda kundisvibisa zita rangu.

‘‘Handina kumbobvira ndatadza kuvaremekedza, ndaivaona saamai vangu.

“Mari yemba ndaibhadhara asi handina kuziva kuti kutenga kwangu chingwa kuchandipinza mudare nhasi,” anodaro.

Mutongi Gwatidzo akarasa chikumbiro chaNherera achiti haana kupa umboo huzere hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naManyanga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>