Vorwisa mhirizhonga nekurima

14 Jul, 2022 - 09:07 0 Views
Vorwisa mhirizhonga nekurima Mai Clara Makwara

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MADZIMAI nevanasikana vanodarika 1 500 vanogara kubhuku raGatsi kwaSeke nevekuEdensburg kuManyame vari kubatsirikana zvakanyanya mumabhindauko ekurima ayo ari kutungamirirwa nesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, zvikuru munyaya dzekurwisa mhirizhonga, reSurvivors In Action Grassroots Women Network (SIAZ).

Svondo radarika, sangano iri rakashanyira nzvimbo mbiri idzi rikafundisa madzimai nevanasikana nzira dzekuderedza mhirizhonga mukurarama kwavo pamwe nekuvasimudzira mumabhindauko emaoko uye rakavacherera zvibhorani kuti varime nenzira yemadiridziro kwegore rose.

Vakava nemukana zvakare wekugoverana midziyo inoshandiswa nevanhukadzi panguva yekutevera, mabhaketi ekucheresa mvura muzvirongwa zvekurima, sipo nezvimwe zvakawanda.

Mai Clara Makwara vanova director wesangano iri vanoti donzvo ravo nderekudzinga nzara nehurombo zvinoita kuti madzimai ave panyatwa yekumbunyikidzwa nenzira dzakasiyana.

“Munguva yekusanduka kwemamiriro ekunze apo kunoita dutu nemafashamu, nzara kana goho risina kubuda zvakanaka uye madzimai paanoshaya zvekushandisa zvakakosha muhupenyu zvakadai semidziyo inovabatsira panguva yekutevera kana mamwe matambudziko makuru, tinoona madzimai nevanasikana vachimbunyikidzwa.

“Vamwe vanopindwa navo pabonde vachivimbiswa kuwaniswa zvinhu zvinenge zviri kuvashotera panguva yakaoma seiyi. Saka zvakakosha kuti tibatsirane nemadzimai nevanasikana kumusimudzira raramo yavo nekudaro takavatsvakira minda nekuvacherera zvibhorani kuti varime vawane pekutangira,” vanodaro.

Mai Makwara vanoenderera mberi vachiti, “Tiri kuitira madzimai nevanasikana ava mabhindauko ekurima miriwo yakasiyana, mbambaira, chibage, matomatisi nezvimwe kuti vazonotengesa kumisika yakadai seMbare, Chikwanha neJambanja kuChitungwiza vachiita mari yavo.

“Vanowana kudya kunovaka muviri kwemhuri zvichderedza mikana yekumbunyikidzwa nevarume nenzira dzakasiyana-siyana.”

VaRegis Manjoro (vakamira) vachifundisa madzimai nezvemhirizhonga kwaSeke

VaRegis Manjoro vanova programs manager kuSIAZ vanoti vari kufundisa madzimai nzira dzakanaka dzekurima, zvikuru munguva yekusanduka kwemamiriro ekunze kuitira kuti vasazorasikirwa negoho.

“Kurima kunoendeka kana mvura iripo seizvi apo madzimai ari kushandisa madiridziro. Takaona mhirizhonga iri kuwanda kumadzimai ekumaruwa zvichikonzerwa nehurombo.

“Saka vaiti kunyangwe vakarohwa nanababa vaisamhan’ara kumapurisa nekuda kwekutya kusungisa munhu anounza kudya mumhuri.

“Tinokurudzira kuti nyaya dzose dzemhirizhonga dzifumurwe kuitira kuti vaye vanombunyikidzwa vabatsirwe sezvo dzimwe dzacho dzichizoguma nerufu, kupondana, kuzvisungirira kana kukuvadzana,” vanodaro.

Mai Tambudzai Chifinya vanoti vanotenda zvikuru sangano reSIAZ nekuvabatsira kuburikidza nemabhindauko ekurima.

“Tine nhererera nechirikadzi dzakawanda muno, vamwe vakatofirwa nevabereki nekuda kwemhirizhonga saka tava nemakore anodarika matatu tichirima pano tichimirira mvura yemudenga.

“Asi gore rino takachererwa chibhorani, kureva kuti tava kurima pasina zororo uye homwe dzedu dzichagara dzine mari nguva nenguva,” vanodaro.

Modesta Mwenje (37) wekuEdernsburg anoti kurima kwakakosha nekuti kunomubatsira kuti awane mari yekuendesa vana kuchikoro uye kutenga chikafu chemhuri.

Share This:

Sponsored Links