Voshaiswa rugare nemarara, nhunzi

07 Mar, 2021 - 13:03 0 Views
Voshaiswa rugare  nemarara, nhunzi VaMaldon Kwaramba vachiratidza marara asiri kutakurwa nekanzurukunzvimbo yavanogara kuMbare, muguta reHarare.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI venzvimbo yeTsiga, kuMbare, muguta reHarare, vari kuchema-chema nenyaya yekusatakurwa kwemarara nekanzuru izvo zvavanoti zvine njodzi huru yekukonzera kunyuka kwezvirwere zvemanyoka pamwe neCovid-19.

VaMaldon Kwaramba (30) – avo vanogara mumaJoburg Lines – vanoti pane nzvimbo isina kuvakwa apo panorasirwa marara neveruzhinji izvo zvave kukonzera kuwanda kwenhunzi, honye nehumhutu.

“Nzvimbo iyi haina kumbobvira yakatakurwa marara nekanzuru kwegore nechidimbu izvo zvaita kuti marara azarepo. Chimwe chiri kunetsa muno ndechekuti tine vasikana vanoita basa rekutengesa miviri mudzimba dzakakomberedza avo vanokanda makondomu akashandiswa nemapamper pose-pose. Izvi zvinoita kuti vana vanonhonga zvinhu izvi mumarara aya vasina kupfeka shangu zvichivaisa panjodzi yekutapurirwa zvirwere.

“Vamwe vanotoguma vave kufuridza makondomu akashandiswa aya izvo zvine njodzi huru,” vanodaro VaKwaramba.

Vanoti nzvimbo inorasirwa marara iyi iri pedyo zvakare nechibhorani chinocherwa mvura neruzhinji apo panoonekwa honye dzinenge dzabva kumarara aya.

“Tave kutyira utano hwedu nekuda kwemarara iwaya asingatakurwe zvekuti muno muchanyuka zvirwere,” vanodaro VaKwaramba.

Chirwere cheCovid-19 chinokwezvwa zvakare nehuchapa, pakati pezvimwe.

Kwayedza svondo rino yakasvika panzvimbo iyi ikawana mukati memarara aya muine vana vainhonga zvinhu imomo vasina kupfeka shangu kana magirovhosi.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti vari kushingaira kutakura marara kunzvimbo dzose dziri muguta reHarare pasina kusarudza.

VaMichael Chideme

“Sekanzuru, tiri kushingaira kutakura marara munzvimbo dzose muguta reHarare kusanganisira kwaTsiga, kuMbare. Motokari dzedu dzinosvika dzichitakura mabhini ikoko. Asi tinokurudzira vagari venzvimbo iyi kuti vaise marara mumabhini anozotakurwa padzimba dzavo nemotokari dzedu uye kana vasina ngavaende kumahofisi edu ekanzuru vapihwe mabhini aya.

“Hatidi marara anorasirwa pasiripo senzvimbo iri kutaurwa iyi nekuti anozonetsa kutakura. Tarisai muone nzvimbo iyi izere mvura saka marara haatakurike. Mutemo unoti ukawanikwa uchirasira marara pose-pose unosungwa,” vanodaro VaChideme.

Vanoti nzvimbo iyi inowanda marara nekuti ndipo panosvikira marori nemabhazi anobva kunyika dzinosanganisira South Africa, Zambia nekuNamibia zvinoita kuti parasirwe makadhibhokisi nezvimwe zvakawanda.

“Dzimba zhinji dziri panzvimbo iyi dzinochengeterwa zvinhu zvakawanda zvinobva kunze zvinoita kuti nzvimbo iyi iwande marara,” vanodaro VaChideme.

Share This:

Sponsored Links