Voshandisa mitambo kurwisa mhirizhonga

16 Dec, 2022 - 13:12 0 Views
Voshandisa mitambo kurwisa mhirizhonga

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Powerlifting Federation (ZPF) rodzidzisa veruzhinji kuipa kwemhirizhonga yemudzimba pamwe nekupa chenjedzo pamusoro pedenda reHIV/AIDS kuburikidza nekuita mitambo yakasiyana.

Svondo radarika, ZPF yakaita mutambo wekusimbisa muviri kuHighfields, muHarare apo vaisendeka mamitsi 15 parutivi pachikamu chega-chega voita hukurukuro neveruzhinji pamusoro pemhirizhonga yemudzimba, kuipa kwekutora zvinodhaka nekupa chenjedzo yedenda reHIV/AIDS.

Sachigaro we ZPF mupurovhinzi yeHarare – Moses ‘Black Moses’ Nyamhotsi – anoti zvakakosha kuti pose panoitwa mitambo yakasiyana pombotorwa nguva yekukurukura neveruzhinji vachipihwa chenjedzo pamusoro penyaya dzemhizhonga, zvinodhaka zvinokanganisa muviri nezvirwere zvakasiyana.

Black Moses anoti nyaya dzemhirizhonga yemudzimba dziri kuwanda mazuva ano nekudaro vakatora danho rekuronga mitambo iyi.

“Mitambo ine simba uye inounganidza vanhu vanobva kunzvimbo dzakasiyana. Saka isu takaona kuti panoungana vanhu tichiita zvemitambo, ngatibve tatora mukana wekukurukura navo nyaya todzidzisana kuti mhirizhonga yakashata zvachose. Tiri kubva tabata dzimwe nyaya dziri kunetsa dzakaita sedzekutorwa kwezvinodhaka uye topa chenjedzo pamusoro pedenda reHIV.

“HIV iriko hama, vanhu ngavangwarire uye vagare vachizvichengetedza nguva dzose,” anodaro.

Black Moses anoenderera achiti: “Danho iri takaritora nechinangwa chekuti vanhu pavanoita mitambo yekusimbisa miviri dzimwe nguva vanenge vakaneta, saka pfungwa dzekutora zvinodhaka hadzimbovabate. Chikuru chavanenge vave kufunga nezvacho kusimbisa muviri chete.”

Zvakadaro, svondo radarika ZPF yakaita mitambo yeNational Powerlifting nePara-Powerlifting Championships.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>