Voshura mare nekurima

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Voshura mare nekurima

Kwayedza

‘Tinotarisira 10t chibage nemamwe 2 enzungu’

Kingstone Mapupu —
VARIMI vari kukurudzirwa kukohwa mvura zhinji yanaya kusvika pari zvino nechinangwa chekuti vagozoishandisa mumwaka weChirimo unotevera.

Mashoko aya akataurwa negurokota reMashonaland East, Retired Brigadier Ambrose Mutinhiri, mumashoko avo ayo akaverengwa pashoo yevarimi yakaitirwa pamusha paVaKillian Tichaona Madziva (65) nakanzura Tonderai Kwaramba veward 14 yekwaChihota.

VaMadziva vanorima nemudzimai wavo, Mai Merjory Madziva (50) nemhuri yavo.

Rtd Brig Mutinhiri vanoti mvura yakanaya zvikuru mwaka uno nekudaro zvakakosha kuti varimi vaichengetedze kuitira kuti vazoishandisa mumwaka weChirimo.

“Ikurudziro yedu kuti sevarimi mutaurirane nebazi reZinwa, kuti mushande pamwe chete mopihwa mazano ekuti mvura moichengetedza sei.

“Nenzira iyi, zvinoita kuti tigorima nguva yose yegore,” vanodaro.

Vanopa muenzaniso weChina, iyo vanoti hakuna mvura inonaya ichingoyerera kuenda kunyanza izvo zvinoita kuti nyika iyi igare iine maguta.

“Kushanda pamwe chete kunobatsira sevarimi vadiki, ngatidzidzei kuunganidza mari shoma yatinayo toita inonzi mikando. Izvozvi tingadai pashoo ino tichiratidza zvibereko zvemari yedu yemikando zvinosimudzira kurima,” vanodaro Rtd Brig Mutinhiri.

VaMadziva nemhuri yavo vakakunda vamwe vose munharaunda yavo pakurima apo vakarima chibage chemhando yeK263, iyo inouchikwa nekambani yeKlen Karoo.

“Takarima mbeu iyi kanova kekutanga apo tinotarisira kuwana matani gumi.

“Tine nzungu zvakare idzo tinotarisira kuwana matani maviri.

“Kurima kunoda kuzviita semwana wechikoro, uchinyora zvose pasi,” vanodaro VaMadziva, avo padanho remurimi wekumaruva, vanoratidza kubudirira kukuru.

Nekugona kwavakaita kurima, VaMadziva vakapihwa mibairo inosanganisira fetereza, bhara nepombi yekufiritisa zvirimwa izvo zvakabva kumakambani akasiyana.

“Hatishandisei ivhu zvizere uyewo ndinoti zera harina charinokanganisa kumunhu nekuti takakunda vechidiki vachakasimba vacho,” vanodaro.

Zvakadai, kune vamwe varimi vakapihwawo mibairo pachiitiko ichi vanoti Tsitsi Madzudzu uyo akatora mibairo wechipiri naPlaxedes Manyati akatorawo wechitatu.

Pagungano iri paivawo nevamiriri vemakambani akasiyana vanosanganira veFarm and City, Klein Karoo, Astra Chemicals, Syngeta, Shalom Agro-chemicals, Superfert neTobacco Industry and Marketing Board (TIMB).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey