Uncategorized

Votyora mitemo yeCovid pasowe

30 Apr, 2021 - 13:04 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu

PANGUVA iyo Hurumende iri kukurudzira kuti kuungana munzvimbo dzakaita sekumachechi kusava nevanhu vanodarika 50 nechinangwa chekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, kune vamwe vasiri kutevedzera mutemo uyu vasiri kupfeka mamasiki.

Kwayedza nemusi weChitatu svondo rino yakashanyira nzvimbo yeSunside Central iri kuVillage 6, kudunhu reZvimba East apo yakaona gurumwandira revanhu vaive vasina kupfeka mamasiki vari pane mumwe musha apo vaishandirwa nemuporofita wechechi yeJohanne Marange.

Vanhu ava vaibatsirwa pamba pemuporofita anonzi Rabahuma James Nduku (67), panzvimbo inodaidzwa kuti pachitsidzo.

Muhurukuro neKwayedza, VaNduku vanoti zvose zvavari kuita zvekuunganidza vanhu hazvikanganise utano hwevanouya kuzoshandirwa pachechi, vachiti vanotevedza zvinokurudzirwa munyaya dzeutsanana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana.

“Hongu, chechi yedu haikurudzire nhengo dzedu kuenda kuzvipatara, tinorapa isu nemweya mutsvene tichitungamirirwa naMwari. Asi anoda zvake kuenda haarambidzwe, anongozviendera,” vanodaro.

“Kunyange tisingaende zvedu kuchipatara, tinokurudzira vanhu kuti vatevedzere zvinotaurwa nemachiremba ayo tinoshanda nawo isu sechechi yeJohanne Marange,” vanodaro VaNduku.

Kwayedza yakawana pachitsidzo apa paine chitsama chemadzimai vakazvitakura vakamirira kusununguka apo vari kugara muzvitangwena zvezvikweshe umo vamwe vakazohwanda kutorwa mifananidzo, koitawo vamwe vainge vasununguka vaidarika 50.

Zvisinei, VaNduku vaiti paingova nevanhu makumi matatu bedzi avo vavaishandira.

Muporofita uyu ane madzimai mashanu nevana 17 uye anogara mudzimba dzinokwana 16 dziri panzvimbo iyi.

“Ndinosona vanhu vanenge vakura, kudzura mazino nekugadzira makumbo nemaoko atyoka uye kunyangwe ukatyoka katatu kana kana, tinogadzira. Pakuita basa iri rinoda chiveve chinoiswa naMwari mweya mutsvene, toisawo plaster.

“Kana dai akava mazino, tinodzura nepinjisi zvakanakisa pasina kukanganisika,” vanodaro VaNduku.

Vanoti kuchechi kwavo vanokurudzirwa kupfeka mamasiki eruvara ruchena, zvisinei kuti Kwayedza payakasvika panzvimbo iyi hapana kana munhu akawanikwa akapfeka masiki.

Matende akawanikwa ari panzvimbo iyi aidarika makumi maviri ayo aive chitsoko-tsoko pakuvakwa kwawo.

“Utsanana tinoedza kutevedza pano, tine zvimbuzi zvitatu nechibhorani chakambofa saka tinochera mvura patsime redu,” vanodaro VaNduku.

 Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira vemachechi vanoungana kudarika vanhu 50 vanotenderwa pasi pemutemo kuti vari kupara mhosva.

“Tinoyambira vemachechi vanoungana vakawandisa kuti imhosva. Muporofita wekuSunside Central uyo ari kuunganidza vanhu nyaya iyi inoda kuongororwa, imhosva iyoyo kana vachizviita,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>