Uncategorized

Wabvutira refuri pito, ukagarira bhora

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
HAPANA munhu kwaye pakati pedu, kunyanya mazuva ano emafoni azere mazerere ezvinyadzi nehupombwe zvinonanzva hunhu hwedu nerurimi rwenyoka. Dai pfungwa nehana dzevazhinji dzaivhiyiwa kuti tione zvirimo, vazhinji vedu taitadza kudzinga nhunzi dzinouya dzichifarira kunhuhwa nekuora kuri matiri.

Bhaibheri rinoti kana tichiti hatina zvivi tinozvinyengera. Dambudziko riripo nderekuti tinoisa zvivi pasikero kuti izvi zvanyanya, uye zviri heavy kudarika izvo. Asi kutadza kutadza chete. Kunyepa hakusi nani pane hupombwe, hupombwe hausi nani pane kuroya.

Ichokwadi, kutenga kondomu, woripfeka, woenda kudanga kunorara nedhongi mashura chaiwo. Asi vazhinji vedu tine zveduwo zvinotyisa zvatakaita, asi kungoti chete hatina kubatwa, uye hatina vakazviziva kuti takaita zvinhu zvakadaro, zvinorutsisa uye zvinosungisa.

Kana tisina kubatwa, ngatichirega kufunga kuti takangwara kudarika vakabatwa.

Hana yako ngaive refuri anoridza pito muhupenyu hwako, asi vazhinji vedu takabvutira hana dzedu pito, tichibva tagarira bhora.

Ichokwadi Mwari pavakazoparadza vanhu nemvura vakanga vaona kuti “Kuipa kwemunhu panyika kwakanga kwanyanyisa, uye kuti ndangariro dzekufunga kwemwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzese.” Tiri vana venyoka vakarehwa naJohani Mubhabhatidzi, uye tine mwoyo yakaipa yakataurwa naJeremia kuti, “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvese, uye wakaora chose.”

Munamato wangu ndewekuti kana tikange tabatwa sezvakaita mukomana wekupfekera dhongi kondomu, tizive kuti nyangwe tikaita zvinhu zvinorutsisa zvakaita sei murima rakasviba sei, Mwari vanotiona. Mwari vanoita kuti tibatwe, kwete kuti tinyadziswe, asi kuti tirege kuramba tichitadza nekuti vanotida. Pauro anoti, “Akaba, ngaarege kubazve.”

Mwoyo yedu inenge tsime rinoramba richisinira huipi. Mwoyo yedu ndiyo zvakare inotipa kuti tifungire vamwe zvakaipa. Makamunzwawo mukuwasha akauraya ambuya, amai vemukadzi wake achiti vanoroya?

Mukuwasha uyu anoti, “aigaroudzwa nemudzimai wake kuti amai vake vane zino ravanoshandisa mukuroya.” Kana tikada kuteerera zvese zvinotaurwa nevanhu pamusoro pevanhu, tinosara tisisina munhu muno munyika. Inga Jesu akati, “regai zvikurirane.”

Iye mukadzi anoti amai vanoroya nezino, akariona zino iroro richiroya here? Ndiwo mweya wekuti kana vanhu vakaona munhu akachembera, kana asina ziso kana ane zino rakabuda kunze — tobva tatoti muroyi. Kushata pameso hazvireve kuroya. Hongu varoyi variko, asi makamubata achiroya here?

Mukuwasha wekuuraya ambuya achirondedzera nyaya yake anoti, “Asi takati tavata, ndipo pandakanzwa pamweya kuti pane mweya yetsvina yainge yondishungurudza. Ndakabva ndamutsa mudzimai wangu natsano kuti tibatsirane kudzura zino ramai — iro rainzi ndiro ravanoshandisa kuroya.”

Mwari ngavatibatsire munguva dzino dzatinonzwa “mweya” inotituma kuuraya. Ungauraye munhu akugashira mumusha make, akakupa mwana wake, akakupa zvekudya nepekurara?

Iko kusanyara kwacho kwekutobata nekuisa zvigunwe zvako mukanwa maamai vakakuberekera mukadzi wako.

Vanhu vanoti “mweya wanditi . . .” ngavazive kuti huroyi mweya, saka hondo yehuroyi ihondo yemweya nekuti, “hatirwe nenyama neropa.”

Hama dzangu, Mwari vanoti, “Bvisai shungu dzese, hasha nekutsamwa, kupopota nemakuhwa pamwe chete nekuvenga kwese. Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nemumwe wenyu sezvamakanganwirwa naMwari muna Kristu.” Chenjererai kufunga kuti zvamunofunga kufunga kwaMwari.

Kana mauri muine vanhu vaviri kana vazhinji saRigiyoni, wacho asiri iwewe ngaabude usare iwewe chaiye ari ega, urege kuzoti, “hameno chinondidariso.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>