Uncategorized

Wanano haidi kugedageda

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Wanano haidi kugedageda

Kwayedza

KUBVIRA makare-kare, wanano chinhu chaikosheswa zvikuru uye zvaitorovesa hana kunzwa kuti mudzimai wemunhu ari kuita gumbo mumba gumbo kunze.

Asi mazuva ano hazvishamise kunzwa kuti mudzimai kana kuti murume wanhingi ari kuita mabasa echipfambi nekuda kwekufumuka kuri kuita hunhu hwevamwe.

Wanano kana kuti muchato hausisina chiremerera nekuti vamwe vave kuutora semahumbwe.

Hazvichakahadzisa kunzwa kuti mukadzi nemurume vanenge vachata kana kuroorana vanorambana kwangodarika mazuva kana mwedzi mishoma vabva musvitsa dzvene nekuda kwekuti mumwe anenge aita hupombwe.

Pane nyaya dzakawanda dziri kubuda mazuva ano, mungave mumapepanhau kana panhepfenyuro, dzekusavimbika kwemadzimai nevarume vari muwanano. Izvi zviri kuitika zvisinei nenjodzi yekutapurirwa zvirwere zvepabonde kana utachiona hweHIV.

Kunze kwaizvozvo, nyaya dzekusavimbika muwanano dzinokonzera mhirizhonga, rufu nekusagadzikana mumhuri. Kune vamwe vari kuti pasi parohwa nenyundo saka zvakare zvakadarika nekudaro vave kurasa hunhu.

Asi, semaonero edu tinoti zvakakosha kuti vanhu vachengetedze hunhu hwavo uye kana vari muwanano ngavave vakavimbika kuvadikani vavo.

Kuzvibata pamwe nekutendeka ndizvo zvinoumba mhuri nehunhu hwakanaka kwete kuita gumbo mumba gumbo kunze. Maitiro akadai aya anoodza hunhu hwakanaka.

Seimwe nyaya yatinayo svondo rino – yemudzimai wemunhu wekwaMakumbe, kuDomboshava – uyo ari kutoshaina kuti ane zvikomba zvakawanda.

Mudzimai uyu anogona kuona kunge ari kuganza asi hapanai kufumuka kunodarika ikoko. Vabereki vake pamwe nedzimwe hama vanonzwa sei nemashoko aari kutaura aya ekuti varume vari kutomurwira?

Kana chiri ChiRungu chakati kuuya ichi chokwadi chakauya nechirungurira. Mukadzi wemunhu angatodada kuti varume vari kumurwira mukore uno? Ukaona nyama yave kuunganirwa nenhunzi dzakawanda ibva waziva kuti yaora, saka ndizvo zvimwe chete nemudzimai uyu.

Varume vari kumhanyirira kwaari kwete nekuti vane rudo naye, asi kuti vari kuona kuti inzenza saka vari kungoda kumuchepesa.

Mudzimai uyu achazoyeuka bako mvura yanaya uye zvichida anenge apihwa zvirwere zvepabonde. Zvakakosha kuti munhu azvibate zvisinei kuti ari kunetsana nemumwe wake muwanano here kana kuti vakatorambana.

Kuita hunzenza hakuna chakunobatsira asi kunounza kunyadziswa pamwe nekudzimaidzwa gwara reupenyu rakati chechetere. Vakawanda vanhu vakaisa upenyu hwavo mumadhaka nekuda kwekusadzamisa pfungwa uye panguva yavaizviita vaifunga kuti vari kuita maoresa.

Wanano ngaikosheswe nemunhu wose nekuti chivi chinobata mwene wacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>