Uncategorized

‘WANGU MUKADZI ARI DANGEROUS’‘. . . anondirova senyoka’

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Milcah Nhakura
MURUME wekuMabelreign, muHarare, anoti ari kuoneswa pfumvu nemudzimai wake uyo waanoti anomurova zuva nezuva.

Alrn Mubayiwa akamhan’arira Nomsa Mpofu kuHarare Civil Court achida gwaro rinomudzivirira.

Mubayiwa anoti mapurisa epakamba yeMabelreign Police Station nevakoti vepaMabelreign Clinic vave kutovaziva nekuda kwekuti vanogara vachienda ikoko kunomhan’ara nyaya dzemhirizhonga nekunorapwa mushure mekunge iye azvindikitwa nemudzimai wake.

“Mukadzi wangu ari ‘dangerous’ zvekuti ndave kutotya kuti achandiponda. Ndakatombotaura nevabereki vake kuti vamutsiure asi havatombomudzora. Ndanga ndafunga zvangu kubuda mumba pamwe ndingambowanawo zororo.

“Kana achida kuti titaure nezvemwana, tinosangana pakamba yemapurisa nekuti ndave kutotyira upenyu hwangu,” anodaro Mubayiwa.

Mpofu anoudza dare kuti murume wake haasi kuda kuriritira mhuri yavo.

“Kunetsana kwedu kwakatanga pandakatizira ndiine nhumbu yake, akatanga kuita zvekungotaura-taura kuvabereki vangu achivaudza nyaya dzisina musoro. Akambovaudza kuti huyai mutore mwana wenyu nekuti anodya asina kugeza mawoko achiti ko akandifira.

“Kubva patakatanga kugara tose rudo rwose rwakachinja zvekuti kana bonde chairo haadi. Ngaasabve hake pamba pake nekuti ndave kuenda kumba kwedu, amai vangu vanditi ndichidzoka,” anodaro Mpofu.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Mubayiwa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links