Warriors: Hatisi kumira

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Warriors: Hatisi kumira

Kwayedza

CHIKWATA chenhabvu chenyika chemaWarriors chakasimudza mureza weZimbabwe nemusi weSvondo wadarika apo chakabudirira kuenda kunokwikwidza kumitambo yeAfrican Cup of Nations zvichitevera kuzvambaradza kwachakaita Malawi 3-0 kunhandare yeNational Sports Stadium.

MaWarriors asarirwa nemutambo mumwe chete apo achasangana neGuinea muna Gunyana asi zvichabuda pamutambo uyu hazvina chazvichasandura sezvo Zimbabwe yatova netikiti rekunotamba kuGabon gore rinouya – kukunda kana kukundwa.

Knowledge Musona, Khama Billiat naCuthbert Malajila ndivo vakadzima moto weThe Flames of Malawi nezvibodzwa zvavakanwisa.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevamwe vevatambi vemaWarriors kuti inzwe pari kusvika manyukunyuku avo. Vanzwei vachizvitaurira voga:

WILLARD “BUTE” KATSANDE (30):

Bute, uyo anova mutungamiri wevatambi kumaWarriors uye achitambira Kaizer Chiefs kuSouth Africa anoti rwendo rwekurwira kuenda kuGabon rwange rwakaoma zvikuru.

“Zvange zvakaoma patakatanga, kuenda kuMalawi nebhazi zvaisava nyore, asi takaramba takashingirira tichiziva basa redu.

“Dzimwe nyika dzaisafungira kuti tichazviita sezvo vaitiona sekunge taingozadzikisa kuti zvinzi tatambawo. Asi kana Mwari vataura kuti Zimbabwe muri kuenda kuAfcon, hapana anozviramba.

“KuGabon ikoko vamwe vachange vachititarisira pasi asi isu tiri kunorwira mukombe uyu tigosimudza mureza wenyika yedu.”

KNOWLEDGE MUSONA (25):

Masvondo adarika Musona akachata nemudzimai wake, Daisy, uye aive netarisiro huru yekuti maWarriors akunde Malawi semunhu aipemberera kupinda kwake musvitsa tsvene.

Musona, uyo anotambira KV Ostoonde yekuBelgium, anoti ave kumbotora nguva achipemberera kuva nemudzimai pamwe nekuhwina kwemaWarriors.

“Zvakawanda zvandave kumbopemberera panguva ino. Handina mashoko akawanda ekutaura nekuti ndiri kufara.”

TATENDA MUKURUVA (20):

Mubati wepagedhi wemaWarriors neDynamos FC, Mukuruva anoti haachabve pagedhi. Mukuruva ari zvakare muchikwata chemaWarriors chiri kukwikwidza kumutambo weCosafa kuNamibia kutanga svondo rino. Haasati aroora.

“Handisati ndawana hangu asi ndine musikana wangu uye ndiye mutsigiri wangu mukuru. Pose pandinotamba nhabvu haashaikwe, anotouya kuzonditsigira.”

MARVELOUS NAKAMBA (22):

Nakamba, uyo anotambira chikwata cheVitesse, kuNetherlands, anoyambira zvimwe zvikwata zviri kuenda kuAfcon kuti maWarriors ane huturu zvichitevera kukwapaidza kwavakaita Swaziland 4-0 neMalawi 3-0.

“KuGabon tikanotamba sematambiro atakaita mitambo yedu weSwaziland neweMalawi. Zvinofadza kuti mitambo iyi hatina kumbonwiswa izvo zvinoratidza kuti takarongeka sechikwata.”

ONSIMOR BHASERA (30):

Uyu diye mumwe wevatambi vave nenguva refu nemaWarriors. Anoti Pasuwa anofanirwa kurumbidzwa sezvo achigona kushanda nevatambi. Bhasera anoti vanoda kunozvambaradza Guinea pamutambo wekupedzesera.

“Tichiri nemumwe mutambo wekutamba uye tichaenda kuGuinea kunotsvaga kuhwina chete, hapana zvakawanda zvinotsvagwa ikoko. Pasuwa ndiye watiri kupemberera nhasi nekuti basa raabata rinonwisa mvura.”

HARDLIFE “NAIROBI” ZVIREKWI (29):

Mutambi weCAPS, Nairobi mwaka uno ari kutamba zvinodakadza.

Anoti acharamba achishanda nesimba kuti azosarudzwe nemurairidzi wemaWarriors, Callitso Pasuwa, kuenda kuGabon.

“Mufaro watinawo wakanyanyisa, asi chikuru ndechekuti ndinofanirwa kuramba ndichishanda nesimba nekuti hapana anoziva kuti achaenda kuGabon gore rinotevera ndiani.

Zvirekwi anogara kuWaterfalls, muHarare, akaroora uye ane mwana mukomana waanoti anoda kuti azotambawo nhabvu.

“Ndinombotamba nemwana wangu nhabvu tiri kumba, asi ndinoda kuti azosarudza oga zvaanoda kuita kana akura.”

DANNY “DECO” PHIRI (27):

Soccer Star of the Year wa2015, Deco weChicken Inn anoti maWarriors ave kufanirwa kunyatsokunya zvakasimba kuGabon.

Deco, uyo akatamba mitambo yose apo maWarriors airwira tikiti rekuenda kuGabon, ari muchikwata chiri kuCosafa Cup.

“Kushanda nesimba kunounza muripo uye isu muripo wedu tauwana. Mberi kwatave kuenda uko kwakaoma saka tinofanirwa kushanda nesimba.” Deco akaroora.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>