WARRIORS: SHASHA 11

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
WARRIORS: SHASHA 11 Khama Billiat

Kwayedza

Abel Ndooka
KWASARA masvondo mashomanana kuti chikwata chenhabvu chenyika cheZimbabwe Warriors chipakatire mapfumo chakananga kuCairo, kuEgypt, uko chichanokwikwidza mumitambo yeAfrica Cup of Nations (Afcon).

Aka kachange kari kechina Zimbabwe ichienda kumakwishu aya.

MaWarriors ndiwo achazarura mitambo iyi apo vakomana vedu vachatungamirirwa naKnowledge Musona pamutambo wavo neEgypt manheru emusi weChishanu 21 Chikumi.

Vatsigiri vemaWarriors vari kuti Egypt inotorara bedzi musi uyu. Regai tione!

Kubva maWarriors achibudirira kuenda kuAfcon kekutanga mugore ra2004 apo airairidzwa naSunday “Mhofu” Chidzambwa, panogara paine gakava guru pakati pevatsigiri venhabvu kuti ndevapi vatambi 11 vatingati “Warriors Best 11” avo vakatamba zvinonwiswa mvura kumitambo iyi.

Svondo rino Kwayedza yaita hurukuro nevamwe vaimbova vatambi vemaWarriors nevatsigiri venhabvu pamusoro penyaya iyi.

Alois Bunjira – aive muchikwata chekutanga chemaWarriors kuenda kuAfcon apo aitambira Wits University yekuSouth Africa:

Pagedhi: Energy Murambadoro

Defence: Edelbert Dinha, Kaitano Tembo, Dumisani Mpofu, Charles Yohane

Midfield: Benjani Mwariwari, Esrom Nyandoro, Ronald “Gidiza” Sibanda, Alois Bunjira

Strikers: Peter Ndlovu naAdam Ndlovu

Pabhenji: Knowledge Musona, Khama Billiat, Cephas Chimedza, Agent Sawu, Costa Nhamoinesu.

Lazarus Muhoni – akanwisa chibodzwa chakaendesa maWarriors kuAfcon yekutanga. Anoti kusarudza vatambi 11 vepamusoro kwakati omei.

Pagedhi: Energy Murambadoro

Defence: George Mbwando, Kaitano Tembo, Dumisani Mpofu, Charles Yohane

Midfield: Lloyd Chitembwe, Lazarus Muhoni, Ronald Sibanda, Joe Lupahla

Strikers: Peter Ndlovu naAgent Sawu

Pabhenji: Johannes Ngodzo, Tinashe Nengomasha, Adam Ndlovu, Cephas Chimedza, Dickson Choto.

Masimba Dinyero – akatambira Dynamos nemaWarriors:

Pagedhi: Gift Muzadzi

Defence: Edelbert Dinha, Dickson Choto, Dumisani Mpofu, Charles Yohane

Midfield: Esrom Nyandoro, Ronald ‘’Gidiza’’ Sibanda, Khama Billiat

Strikers: Adam Ndlovu, Peter Ndlovu, Benjani Mwaruwari.

 

Chris “Romario” Musekiwa – mutsigiri akaenda nemaWarriors kumitambo yavo yose yeAfcon:

Pagedhi: Tapiwa Kapini

Defence: George Mbwando, Kaitano Tembo, Dumisani Mpofu, Charles Yohane

Midfield: Esrom Nyandoro, Tinashe Nengomasha, Khama Billiat, Ronald Sibanda

Strikers: Peter Ndlovu, Benjani Mwariwari.

Share This:

Sponsored Links