Uncategorized

‘Wedzerai nguva inovhara zvitoro’

26 Aug, 2021 - 12:08 0 Views
‘Wedzerai nguva inovhara zvitoro’ VaMutashu

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

VEZVITORO vanoti kuwedzerwa kwakaitwa mazuva ekuti nyika irambe iri pasi pechirongwa chelockdown senzira yekuedza kumisa kupararira kweCovid-19 kwakanaka nekuti chirwere ichi chichiriko uyewo nekuda kwenjodzi yekuti chinogona kunyuka zvakare kechina (4th wave).

Izvi zvinotevera danho rakatorwa neHurumende rekuwedzera chirongwa chelockdown nemamwe masvondo maviri nechinangwa chekurwisa chirwere ichi.

Mutungamiriri wesangano rinomiririra vezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR), VaDenford Mutashu, vanoti vezvitoro vanotambira nemaoko maviri danho rakatorwa neHurumende rekuwedzera mazuva echirongwa chelockdown asi vane chichemo chekuti dai nguva dzekuvhara zvitoro dzaongororwa.

“Tinotenda zvikuru nekuwedzerwa kwaitwa lockdown neHurumende nekuti idanho rakanaka kana tikatarisa kuti pari zvino tiri pachikamu che3rd wave yechirwere cheCovid-19 uye vanachiremba vari kuti tinogona kupinda mu4th wave. Zvakakosha kuti tichengetedze utano pane kukoshesa mabasa kana mari,” vanodaro.

VaMutashu vanoti pari zvino zvitoro nevekumabasa vari kuvhara nenguva dza3:30pm zvinova zvakatarwa neHurumende, asi zvava kukonzeresa kuti vanhu vaite chitsokotsoko kana vabva kumabasa vachitenga.

“Vezvitoro nevekumabasa vari kuvhara nguva dzimwe chete. Izvi zviri kukonzeresa kuti vanoenda kumabasa vashaye mukana wakasununguka wekutenga zvavanoda sezvo nguva zhinji zvitoro zvinenge zvavharawo pavanobva kumabasa.

“Mamiriro ezvinhu aya ava kuita kuti vanhu vazoungana apo zvitoro zvinenge zvava kuvhara. Izvi zvinogona kukonzera kuparadzirwa kwedenda ranetsa iri uye kuti vezvitoro vatyore mutemo vachinonoka kuvhara.

“Chikumbiro chedu kuHurumende kuti dai yatiwedzerei nguva dzinovharwa zvitoro kubva pana3:30pm kusvikawo 5:30pm kuitira kupa mukana kune vekumabasa kuti vakwanise kutengawo zvavanoda vapedza mabasa,” vanodaro.

VaMutashu vanoti Covid-19 yakonzeresa kusafamba kwemabhizimisi zvakanaka izvo zviri kuita kuti vemakambani pamwe chete nevezvitoro varasikirwe nemari yakawanda zvisinei nekuti vari kubhadhara vashandi nemitero.

Vanoti lockdown iri kupa mutoro wakakura kune vemabhizimisi sezvo kuine vamwe vashandi vasiri kushanda zvakanyanya asi vachiwana mari vari kudzimba.

“Chishuviro chedu kuti dai denda iri rachiderera nekuti rakonzeresa kurasikirwa kwakanyanya nemari kumakambani mazhinji. Mamwe makambani ava pedyo nekuvhara uye mamwe ave kuda kuderedza vashandi sezvo pasina chiri kunyatsofamba nenyaya yemalockdown,” vanodaro.

Zvisinei, VaMutashu vanofara zvikuru nekubaiwa kuri kuitwa vashandi vemuzvitoro majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 vachiti zvinoderedza kuparadzirwa kwedenda iri muzvitoro sezvo dziri nzvimbo dzinosangana vanhu vakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>