Wekutanga kushaya neCovid-19 kuMasvingo

21 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Wekutanga kushaya neCovid-19 kuMasvingo

Kwayedza

Tandayi Motsi
DUNHU reMasvingo — roga muZimbabwe yose range risati rava nemunhu ashaika nekuda kweCovid-19 kubvira pakatanga kuonekwa chirwere ichi muno mwedzi mishanu yadarika — rakarasikirwa nemurwere wekutanga svondo rino.

Munhu wekutanga kufa kuMasvingo uyu mumwe wevarwere vapfumbamwe vakafa neCovid-19 nemusi weChitatu svondo rino izvo zvakaita kuti huwandu hwevashaya nekuda kwechirwere ichi nyika yose hukwire kuenda pa150.

Pavanhu vapfumbamwe vakashaika nemusi weChitatu, vatanhatu vavo ndeve muHarare kuchiti kuMasvingo, kuMashonaland West nekuMashonaland Central kwakafa munhu mumwe chete padunhu.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi mumwe chete uyu, vanhu 5 643 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 munyika yose mushure mekunge vavhenekwa.

Pahuwandu uhu, 4 442 vakatopona.

Izvi zvinoreva kuti chikamu chinodarika che78 percent chevanhu vakabatwa nechirwere ichi vakapona asi chikamu che2,66 percent vakafa.

Harare ndiyo ine vanhu vakawanda vakabatwa nechirwere ichi avo vange vava 2 270 ne83 vakafa nemusi weChitatu uye inoteverwa neBulawayo iyo ine 1 218 vakawanikwa vaine Covid-19 ne28 vakafa.

Dunhu reMashonaland Central ndiro rine vanhu vashoma vawanikwa vaine chirwere ichi vanove 91 nevatatu vakafa.

South Africa yave nevanhu vanodarika 12 264 vafa kubva pa592 144 vane chirwere ichi.

Zvisinei, 485 648 vavo vakatopona kubva kuCovid-19.

Share This:

Sponsored Links