Uncategorized

Wivhi ine honye yokonzeresa

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Wivhi ine honye yokonzeresa Dr Guramatunhu

Kwayedza

Abel Ndooka

VAMWE vanhukadzi vane mukurumbira svondo rino vanopa mafungiro avo pamusoro pemashoko akataurwa nenyanzvi munyaya dzeutano, Dr Solomon Guramatunhu, ekuti vanhukadzi vasarukwe wivhi (weave) mumisoro yavo sezvo rimwe vhudzi racho richinzi rinenge ragerwa kubva mumisoro yevanhu vakafa kunyika dzekunze.

Dr Guramatunhu vakataura mashoko aya svondo rapera apo vaive muyenzi mukuru paiparurwa chirongwa chetsvarakadenga chinodaidzwa kuti Zuri Africa, muguta reHarare.

Dr Guramatunhu vanoti kunze kwekuti rimwe vhudzi rewivhi rinenge ragerwa mumisoro yevanhu vakafa, rimwe racho rinenge riine makonye kana kuti honye.

Vanoti izvi ndizvo zvinoita kuti munhu ane wivhi mumusoro make agare achivaviwa kana kungonzwa kuda kukwenya musoro.

Mai Rebecca Chisamba, avo vane mukurumbira nechirongwa chinobuda pachivhitivhiti, cheMai Chisamba Show uye vanova nyanzvi munyaya dzekukurudzira hutsanana, vanoti wivhi zhinji kusanganisira dzimwe dzinonzi Peruvian kana maBrazilian ivhudzi revanhu asi chisingazivikanwe ndechekuti vanhu vacho vapenyu here kana kuti vakafa.

“Zvinhu zvinozivikanwa uye kunyangwe ukazvitsvaga padandemutande unozviwana, asi ini handidi kupikisana nezvakataurwa naDr Guramatunhu, ndiri kutaura ndakazvimiririra.

“Munhu wose ane kodzero yekuiswa zvaanoda mumusoro make. Asi, tangai maita tsvakurudzo kuti vhudzi iri rambobvepi uye akutengesera ndiani. Zvimwe uchatora zvinhu zvine zvirwere nekuti tinozvinzwa kuti rimwe vhudzi rinotorwa kumamochari kune dzimwe nyika.

“Saka imwe mhando yevhudzi, kusanganisira iro Peruvian kana Brazilian, tinoziva chaizvo ivhudzi revanhu iri asi chatisingazive ndechekuti munhu wacho mupenyu here kana kuti akafa. Saka tangai mabvunzisisa muzive zvizere,” vanodaro.

Mai Chisamba vanoenderera mberi: “Zvakangofanana nepachivanhu chedu, kuti munhu anoramba kupfeka hembe dzenhaka dzaasiirwa natete vake vafa asi iye akapfeka hembe dzemubhero idzo dzaasingazive kuti dzabvepi. Muhembe imomo munenge mutori nezvirwere zvemo saka nyaya iyi inonetsa.

“Vanhu chenjedzo vanopihwa uye tinovakurudzira asi chinozongosara kuti munhu asarudze zvaanoda kuita neupenyu hwake.”

Kuchiti imwe shasha munyaya dzekuita ny’ambo dzinonakidza pamwe nezvirongwa zvekusimudzira vanhukadzi, Felistus Murata Edwards – uyo anozivikanwa saMai Titi – anowirirana nezvimwe zvakataurwa naDr Guramatunhu.

Mai Titi anoti vanhukadzi vanopfeka mawivhi vanenge vachida kuwedzera runako rwavo, asi zvakakosha kuti munhu kana achirukwa azive kunobva wivhi yacho uye kuti yakagadzirwa nani.

“Ini ndiri mumwe wacho anorukwa mawivhi uye ndine akawanda chaizvo, asi handingotenge yese-yese. Ndinotoda kuti wivhi yangu igadzirwe ndiripo ndichiona nekuti dzimwe hadziite, ndidzo dziri kutaurwa idzo dzinonzi ivhudzi revakafa.

“Zvakangokosha kuti ungogadzirwa vhudzi rako izvo zvisingakutemese musoro, zvisina zvakawanda zvinodiwa fanike zvandiri kuita mazuva ano,” anodaro Mai Titi.

Anoti pane imwe nguva yaaida kumborukwa rasta mumusoro make kubva pavhudzi remumwe munhu asi akazozvisiya mushure mekufungisisa kuti muridzi wevhudzi iri akange asina ruzivo pamusoro peutano hwake.

“Ndaitoda kumbotenga rasta remumwe munhu asi ndakazozvisiya nekuti ndaisaziva kuti utano hwemunhu ane vhidzi randaida kutenga.

“Pamwe unozotenga rasta remunhu ari kurwara ukazobatirawo zvirwere zvaanazvo,” anodaro Mai Titi.

Mumwe muzvinabhizimisi anove shasha munyaya dzemicheno nekurwira kodzero dzemadzimai, Farirai Mamombe – uyo vazhinji vanoziva saFari Wacho – anoti chaanoziva ndechekuti munhu wose anochengetwa naMwari.

Anoti haana dambudziko nekurukwa wivhi nevhudzi remunhu waasingazive kunyangwe akafa.

“Nyaya iyi zvakangofanana nechimwe chikafu chatinombodya, unonzwa zvichinzi pamai nhingi vanoisa bhurugwa muchikafu kuti pavo pazare asi vanhu vachidya pasina chinomboitika kwavari. Ndizvo zvakangofanana nenyaya dzevhudzi iri, Mwari ndiye anochengeta. Kana vachitichengeta patinodyiswa sadza rimwe rinotanga raiswa mipiro shuwa havangazokundikana pavhudzi.

“Tiri kutaura nyaya yevhudzi, ko inga wani vanhu tiri kungopfeka mabhurugwa chaiwo emubhero?” anodaro Fari Wacho.

 

Share This:

Sponsored Links