Uncategorized

Young Africa yosimudzira mabasa emawoko

06 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

KOREJI yeYoung Africa, iyo iri kuChitungwiza, iri kusimudzira mabasa emawoko akasiyana kuburikidza nekufundisa vanhu vanodarika 1 200 panguva imwe chete.

Zvidzidzo zvinoitwa zvinosanganisira kugadzira motokari, kusona, kunama simbi pamwe nekugadzurudza runako (beauty therapy).

Chikoro ichi chinobatsira zvakare vanasikana vanodarika 48 avo vanogara kumisha inochengetwa nherera nevanobva kure kuti vange vachiwana pekugara panguva iyo vanenge vachiita zvidzidzo zvavo.

Kunze kwaizvozvo, paYoung Africa pane kireshi.

Mai Enet Mukurazita, avo vanove director wekoreji iyi, vanoti Young Africa yakurumbira zvikuru mukusimudzira mabasa emawoko.

“Kune vanasikana vanenge vakamitiswa, saka senzira yekuderedza kusiira chikoro panzira kwevanasikana ava, vangave vanobva kumisha inochengetwa nherera kana vemunharaunda, vanouya vosiya vana vavo pakireshi pane vachengeti vane hunyanzvi hwezvevana, ivo vabereki vachifunda havo muchikoro nekuti vazhinji vavo havawani mari dzekuzobhadhara vasikana vebasa uye vanenge vasina pekugara pakati tsvetere,” vanodaro Mai Mukurazita.

Mai Mukurazita vanoti kunyangwe vaye vanenge vakakundikana mudzidzo vanogona kudaro vaine chipo chekuita mabasa emawoko, naizvozvo koreji yavo inovapa mikana yekuti varatidze hunyanzvi hwavo.

“Zvidzidzo zvatinovapa zvinoita kuti vakwanise kuzovamba mabhizimusi avo nekusimudzira raramo yavo. Tine dzimwe nzvimbo dzakadai dzakatekeshera sekuEpworth yakatavhura mugore ra2006. Muna 2013 takapinda muGoromonzi tichitsigirwa nesangano reEuropean Union zvikaita kuti tive mumatunhu matanhatu anosanganisira Chipinge, Nyanga, Makoni, Matabeleland North, Lupane, Hwande neBinga,” vanodaro.

Vanoti vamwe vakafundiswa pachikoro ichi vave kutoshanda kune dzimwe nyika dzakaita seSouth Africa neBotswana.

“Tine vamwe vadzidzi vakange vatorasa tariro nekuda kweutachiona hweHIV, saka tiri kushanda nemamwe masangano akadai seSAFAIDS kuti vange vachibatsirwa nemazano uye kurapwa vachifundira mabasa pano. Tine malibrary ane mabhuku akakwana uye tinowanikwa kune dzimwe nyika dzakaita seNamibia, Mozambique, Botswana neZambia uye tiri kuramba tichivandudza dzidzo yemabasa emawoko.”

Vanoti kufundisa mabasa emawoko kunoderedza nyaya dzeumbavha, hurovha, kudhakwa nemhirizhonga izvo zvimwe zvacho zvinokonzerwa nehurombo.

VaTedai Doma vanotungamirira chikamu chinoona nezvekugadzirwa kwemotokari pakoreji iyi, vanoti vamwe vadzidzi vavanofundisa vari kupedzisira vave kuwana mabasa munharaunda iyi.

“Tine vamwe vakafunda pano avo vakatovhura magaraji avo paChikwanha vachitopinzawo vamwe mabasa. Mabasa emawoko akakosha nekuti anopa mari nekukasika,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Leah Mundava vanove mukuru kuchikamu chinoona nezvekugadzurudzwa kwerunako vachiti mabasa emawoko akakosha zvikuru mubudiriro yenyika.

“Kuruka nekugadzurudza runako kune mari zhinji uye munhu haazongogari pamba achishaya zvekuita, zvikuru takatarisa kuoma kuri kuita upfumi hwenyika nekushomeka kwemabasa munyika muno. Mukirasi medu tine madzimai nevasikana 50 nemurume mumwe chete,” vanodaro.Mukuru kuchikamu chezvekubika, Mai Kudzai Gotora, vanoti pari zvino vane vadzidzi 50 uye 13 vacho vanhurume.

“Tinofundisa vadzidzi vedu kubikwa kwekudya kwakasiyana kubvira pachingwa, makeke, chikafu chinodyiwa mumahotera nekugadzira dzimba dzekubikira nedzekurara.

‘‘Izvi zvinovabatsira kuti vagozotangisawo mabhizimusi avo kana kupinzwa mabasa mumakambani, muzvikoro zvebhodhingi, mahotera kana mudzimba chaimo. Mabasa ekubika ane mari nekuti zuva nezuva vanhu vanoda kudya nepekurara apo vanoshanya,” vanodaro.

Mai Raviro Makiwa vari kuchikamu chezvekusona vanoti vane vadzidzi 40 uye bhindauko iri rinopa mari zhinji kana rikaitwa nemazvo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>