Uncategorized

ZB Bank yava kutsigira mabasa ezvicherwa

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

BANGA reZB Bank svondo rapera rakabatana nekambani yeFidelity Printers and Refiners mukuparura chirongwa cheFidelity Gold Card kuKadoma icho chichawanisa makadhi achashandiswa nevari mumabhizimisi madiki neari pakati nepakati vanochera goridhe.

Makadhi aya achabatsira vari mubhizimisi iri kuti vakwanise kutenga zvekushandisa nenzira yeplastic money nezvimwe zvakasiyana.

Vaive muyenzi mukuru pachiitiko ichi, VaRon Mutandagayi, avo vanove chamangwiza webhanga reZB Bank, vanoti vanofara zvikuru nemushandirapamwe uri pakati pavo neFidelity Printers and Refiners uyo uchabatsira vari mumabhizimusi ezvicherwa zvegoridhe kuti vachengetedze mari.

“Ticharamba tichishanda nevari mumabhizimisi ezvicherwa kuti vakwanise kuisa mari dzavo mumabhanga edu ari mumatunhu akasiyana. Tichaita kuti zvive nyore kuti vabhenge mari nekuitora munzvimbo dzavari.

“Bhizimusi rezvicherwa rakakosha zvikuru nekuti rinosimudzira upfumi hwenyika nekuwanisa vanhu mabasa,” vanodaro VaMutandagayi.

Vanoti Zimbabwe ine upfumi hwezvicherwa hwakawanda hunosanganisira goridhe, diamond, nickel, platinum nezvimwe.

“Asi nekuda kwekuderera kuri kuita upfumi hwenyika, bhizimusi rezvicherwa riri kuwanikwa richidzikirawo.

‘‘Gwaro rakabuditswa nesangano reChamber of Mines rinoratidza kuti vari mubhizimisi iri vari kusangana nematambudziko akadai sekudzikira kwehukoshi hwemari dzekune dzimwe nyika mumisika yemari, kushomeka kwemagetsi uye kushaikwa kwemari.

“Muna 2015, bhizimisi rezvicherwa rakaderera nechikamu che2,5% kubva pa3,4%.

‘‘Huwandu hwemari yaiwanikwa kubva muzvicherwa hwakaderera kubva paUS$1,9 bhiriyoni muna 2014 kuenda paUS$1,86 bhiriyoni muna 2015,” vanodaro.

VaMutandagayi vanoti bazi rezvicherwa rakakosha zvikuru muZimbabwe sezvo richibatsira nechikamu che10% panyaya dzeupfumi hwenyika paGross Domestic Product (GDP) apo 50% yezvicherwa izvi zviri kutengeswa kunze kwenyika.

“Bazi rezvicherwa riri kutsigira upfumi hwenyika nechikamu che50% kuburikidza nezvirongwa zviri kuitwa muno navanamuzvinabhizimusi vanobva kunze.

“Tinofara kuti gore ra2016 riri kuratidza kuve nebudiriro huru mubhizimusi rezvicherwa kana tichienzanisa negore rapera apo goridhe riri pachikamu che21%, platinum 43%, nickel yakawedzera nechikamu che10% apo marasha (coal) nediamond zvakaramba zviri pasi,” vanodaro.

Vamwe vakapihwa maGold Card aya vanosanganisira Cde Munyaradzi Paul Mangwana, avo vaimbove gurukota rezvemakambani ari pasi peHurumende.

“Chirongwa ichi ndachifarira saka ndatonyoresawo kuti ndiwane ranguwo kadhi sezvo ndiri mumwe wevari kuita mabhizimusi ezvicherwa,” vanodaro Cde Mangwana.

Mai Pauline Bangera (56), avo vane mugodhi wegoridhe kuChegutu, vanoti vanofara nebudiriro yavari kuona mubhizimusi ravo.

“Ndinofara kuve mudzimai ari mubhizimusi rezvicherwa nekuti rine mari. Zvisinei nekuti handina kufunda, ndiri kukwanisa kuriritira mhuri yangu. Ndakakwanisa kuvaka imba nekutenga masitendi nemotokari kuburikidza nekuchera goridhe.

“Matambudziko aripo ndeekudhura kwemichina yekuchera nekuzungura goridhe zvekuti kazhinji kacho tinotohaya kune vanayo,” vanodaro.

VaBoniface Mujinga vanove mukuru weSMGC Gold Mining vanotiwo vanonzwa manyuku-nyuku nechirongwa chekushandisa maGold Cards sezvo chichivarerutsira.

VaLuke Mutema (52) vekuSilobela, kuKwekwe, vanoti vari kukwanisa kuendesa vana vavo kuchikoro kuburikidza nebhizimusi rezvicherwa zvegoridhe pamwe nekutenga michina yekushandisa mubasa iri.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Tholakela Mbano (51) vekuAnniversary 14 Mine, kuKwekwe zvakare, vachiti vakatengawo motokari kuburikidza nekuchera goridhe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>