ZC yotsvaga varairidzi vatsva

07 Mar, 2024 - 20:03 0 Views
ZC yotsvaga varairidzi vatsva Dave Houghton

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Cricket (ZC) riri kutsvaga varairidzi vatsva vanotungamira zvikwata zvavo zvinoti chevakuru chemaChevrons nechevechidiki cheUnder-19.

Zvichitevera kusiya basa kwakaita Dave Houghton gore radarika, ZC yakambofanogadza Walter Chawaguta pachigaro chinopisa ichi kuti afanorairidza maChevrons vachitsvaga mumwe murairidzi.

Nerimwe divi, Prosper Utseya – uyo airairidza chikwata chemaUnder-19 – akasiya basa nguva pfupi yadarika pavakabva kumutambo weUnder-19 World Cup kuSouth Africa sezvo akange awana rimwe basa rekuve director of cricket kunyika yeUnited States of America.

Svondo radarika, mukushi wemashoko weZC – Darlington Majonga – akanyora achizivisa kuti vari kutsvaga varairidzi vatsva vechikwata chevakuru necheU-19.

“Zimbabwe Cricket inoda kuita hurukuro nevarairidzi vakasiyana pamusoro pebasa rekurairidza chikwata cheZimbabwe Senior Men necheZimbabwe Under-19.

“Tarisai shambadzo yatatumira uye mutumirewo kune vamwe vamunofunga kuti vanogona kuda basa iri,” anodaro Majonga.

Pabasa rekutungamira chikwata chemaChevrons, ZC iri kutsvaga murairidzi ane hurongwa hwekuzokwikwidza zvepamusoro mumhando yakasiyana yecricket.

Prosper Utseya

Murairidzi uyu anonzi anofanirwa kuona kuti chikwata chemaChevrons chinogara chichitambira pakati pezvepamusoro zvechisere zvecricket pasi rese mumitambo yeOne Day International neyeTwenty20 Series.

Houghton, uyo airairidza maChevrons, akasiya basa gore radarika zvichitevera kutadza kubudirira kwakaita chikwata ichi kuenda kumutambo weT20 World Cup kuWest Indies neUSA gore rino uye kukundwa kwakaita chikwata chenyika ichi neIreland mitambo yeODI neT20.

Houghton akataura kuti akange ave kusiya basa iri nekuti vatambi vake vaisamuterera izwi rake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>