Zemura azunza mambure kuItaly

22 Feb, 2024 - 20:02 0 Views
Zemura azunza mambure kuItaly Jordan Zemura

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarriors neUdinese Calcio yekuItaly – Jordan Zemura – akanwisa musi weSvondo wadarika apo chikwata chake chakaita mangange 1-1 neCagliari mumutambo weItaly Serie A.

Mutambo uyu wakatambirwa kunhandare yeBluenergy kuUdine pamusha weUdinese.

Zemura ndiye akavhurira kunwisa mumutambo uyu apo akanwisa watambwa maminitsi 14 asi chikwata chake chakazotadza kuchengetedza chibodzwa ichi sezvo vakazodzorwa patambwa maminitsi 44 muchikamu chekutanga.

Mutambo uyu wakazopera uri mangange 1-1.

Aka kaive kekutanga Zemura achinwisa kubva zvaaenda kuUdinese.

Pakapera mutambo uyu, mutambi uyu akanyora papeji rake reInstagram kuti: “Handina hangu kufara kuti tazongowana chibodzwa chimwe chete kubva pamutambo uyu. Asi pachangu ndiri kufara nekunwisa chibodzwa changu chekutanga ndichitambira chikwata chinopfeka yunifomu ine mavara machena nematema, chimwe chete chekurangarira zvachose!

“Ndinokutendai Mwari zvachose!” anodaro Zemura.

Zemura akwanisa kutamba mitambo 18 yeSerie A kubva pa25 yatambwa nechikwata chake.

KuBelgium, chikwata chaBill Antonio cheKV Mechelen chiri kutamba zvinodakadza kubva apo mutambi uyu atanga kuwana mukana wekutamba kutanga kwegore rino.

Bill Antonio

Gore rino, KV Mechelen yatamba mitambo mitanhatu yeBelgian Pro League uye haisati yambokundwa.
Pamitambo mitanhatu iyi, KV Mechelen yahwina mina ndokuita mangange miviri.

Svondo radarika, Antonio akatamba maminitsi 77 apo chikwata chake chakakunda Royal Antwerp 1-0 kunhandare yeBosuilstadion yeRoyal Antwerp.

Mumwaka wegore rino, Antonio akwanisa kutamba mitambo 10 yeKV Mechelen uye ndokunwisa kaviri.

Mumutambo mumwe chete weRoyal Antwerp, Munashe Garan’anga akatambawo maminitsi 84 akazotsiviwa naMory Konate apo KV Mechelen yakange yave kuzama kuchengetedza zvibodzwa zvayo.

Uyu wange uri mutambo wechitatu waGaran’anga achitambira KV Mechelen kubva zvaakatengwa nechikwata ichi achibva kuSherif Tiraspol yekuMoldova.

KuFrance Tino, Kadewere akatamba maminitsi 62 apo chikwata chake cheNantes chakakundirwa pamusha pacho 2-0 neParis Saint-Germain.

Tino Kadewere

Nantes zvinhu hazvisi kuifambira zvakanaka mwaka uno uye chimwe chezvikwata zviri kurwira kuti zvisaburitswe muFrench Ligue 1 panopera mwaka wa2023-24.

Marshall Munetsi akatamba mutambo wese apo chikwata chake cheStade de Reims chakaita mangange 1-1 neLens pamusha weReims kuStade Auguste-Delaune.

Marshall Munetsi

Reims yakagara pechisere palogo rekuFrance iine zvibodzwa 31 kubva pamitambo 22 yayatamba.

Svondo radarika, Brendan Galloway akatanga akagara pabhenji pamutambo wechikwata chake chePlymouth apo chakakundwa 2-0 neLeeds mumutambo weEnglish Championship.

Galloway akazopinda mutambo uyu watambwa maminitsi 81 asi zvakashaya basa sezvo Leeds yakabva iine zvibodzwa zvese zvitatu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>