ZFRPA yapihwa mukombe wekugona basa

06 Nov, 2023 - 15:11 0 Views
ZFRPA yapihwa mukombe wekugona basa Mai Beauty Jiji vachiratidza chitupa nemukombe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MAI Beauty Jiji, avo vanova munyori mukuru weZimbabwe Free Range Poultry Association (ZFRPA), vanopembedza sangano ravo nekuwaniswa chitupa nemukombe wekutanga munhoroondo yenyika wekuva nehunyanzvi hwakadzika-dzika mukuchengeta mhando dzakasiyana dzehuku dzechivanhu nekuita tsvakurudzo itsva dziri maringe nemarapirwo adzo vachishandisa mishonga yechivanhu, pakati pezvimwe.

Mubairo uyu vakautambidzwa gore rino nebazi rezveminda, kurima, hove, kusimudzirwa kwemadiridziro uye kugariswa kwevanhu vekumaruwa.

“Pane chikamu cheTechnical Committee chakagara pasi chichinzvera maringe nemashandiro edu pamwe nebazi rezvekurima, ndipo patakazopihwa mubairo wekugona kuchengeta huku dzechibhoyi zvemhando yepamusoro munyika yedu yose. Gwaro ratakapihwa iri ndiro rekutanga uye rinobatsira kuti kwese kwatinotengesera kunyika dzakasiyana, tinotoonekwa chipimo chedu chekugona basa.

Huku dzechivanhu idzi dzinosanganisira madhadha, hanga, matoki nezvimwe,” vanodaro.

Vanoti huku dzemhando dzose dziri munyika muno dzakakosha nekuti dzinobatsira mubhizimusi rekutengeserana uye Zimbabwe inowana kudya kunovaka muviri zvichibatsirawo mukurwisa zvirwere, nzara nehurombo.

“Mubairo uyu unotipa manyuku-nyuku nekuti takaonekwa tiri nyanzvi mukugona kugadzira hwaro hwemachengeterwo ehuku dzechivanhu ndokusaka takapihwa chitupa che2023 Company Award for Standardization. Izvi zvinofadza nekuti vechidiki vedu, kusanganisira zvikoro, vanenge vava kuziva kuti vari kushanda nemasangano akanyoreswa zviri pamutemo uye zvichivabatsira kuti vazvivambire mabasa.

“Kudya kwehuku dzechivanhu hakufaniri kudhura muzvitoro asi kuti kunofanira kuwanikwa pese-pese nemitengo yakaderera. Izvi zvinogoneka kana veruzhinji vakawaniswa ruzivo rwekukosha kwekuchengeta huku dzechivanhu pasina kudzidzikisira,” vanodaro.

Imwe mhando yehuku inochengetwa nesangano reZimbabwe Free Range Poultry Association

Mai Jiji vanoti kuburikidza negwaro iri, vava kukwanisawo kupawo pfungwa dzavo pamisangano mikuru yepasi rose kusanganisira inoitwa neAfrica Union zvichibatsira mukuvandudzwa kweruzivo uye nyaya dzekugoverana mashoko neruzivo.

“Kupfuya huku hakuna zera nekuti kunogona kuitwa nevechidiki, vanhu vakuru kana vakwegura panzvimbo dzavari vachiwana mari mukati menguva diki. Sekutaura kunogara kuchiitwa nemutungamiri wenyika kuti: ‘Nyika inovakwa nevene vayo’, vanenge vachitaura chokwadi nekuti kana isu tikagarira maoko nenjere, tinova vanhu vanogara vachidemba nenhamo.

“Kumudzimai kana kumurume wese, ndinoti huku dzine mari, shandisa nzvimbo yauri iyoyo uedze kudzichengeta. Uchava nemufaro usingaperi, uchaita mari kudarika vaya vanomukira kumabasa mazuva ose, uchatora mari dzavanoshandira idzodzo paunotengesa huku dzako kwavari nekuti munyika muno munhu wose anoda kudya zuva nezuva. Huku dzechibhoyi dzinonaka uye dzine mapuroteni zvekare tinowana mazai anoumba utano hwemhuri,” vanodaro.

Sangano reZFRPA rinoshanda pasi pechikamu cheLivestock and Meat Advisory Council uye rine donzvo rekusimbaradza mabhizimusi ekuchengetwa kwehuku nenzira dzine utano.

Vangada kuva nhengo dzesangano iri vanoenda padandemutande rinoti: [email protected]

Share This:

Sponsored Links