ZIFA: Saka muchaita sei?

13 Mar, 2024 - 13:03 0 Views
ZIFA: Saka muchaita sei? Patient Dube

Kwayedza

. Chii chiri kumboitika kuEastern Region?

. Igakava hwai risingagadzirwe richipera?

Abel Ndooka

MWAKA wenhabvu weCastle Lager Premiership wa2024 wakatanga svondo radarika apo zvikwata zvizhinji zvakatamba mitambo yazvo yekutanga, asi pachiri nenyaya ichiri kunetsa kuEastern Region Division One.

Makore ose mwaka mutsva wenhabvu unoona zvikwata zvina zvichipinda kuzotamba muPremier Soccer League, asi mwaka wegore rino kusvika pari zvino pangopinda zvikwata zvitatu zvinoti Chegutu Pirates, Arenel Movers neTelOne.

Hapasati pave kuzivikanwa kuti chimwe chichazoita chikwata chechina ndechipi sezvo kuEastern Region kuchiri nenyaya ichiri kunetsa.

Kubva mumwaka wadarika, kuEastern Region Division One kune zvikwata zviviri zvichiri kurwira kupinda muPSL zvinoti Tenax neBikita Minerals uye zvikwata izvi zvose zvaifanirwa kuhwina mutambo wazvo wekupedzisira kuti zviwane mukana wekupinda muPSL.

Pazuva rekupedzisira remitambo yeEastern Region, Tenax yakakunda JM Busha 6-1 kuchiti Bikita Minerals ikaita mangange 1-1 neGraham izvo zvakaona Tenax ichipedza iri pamusoro peBikita Minerals palogo iine mapoinzi akawanda ndokuhwina tikiti rekupinda muPSL.

Asi hazvina kubuda saizvozvo sezvo Bikita Minerals yakanyorera kubhodhi reEastern Region kuti Graham yainge yatambisa mutambi asiri wayo pamutambo uyu izvo zvakazoona bhodhi reEastern Region richipa zvibodzwa zvitatu kuBikita Minerals iyo yakabva yazonzi ndiyo yave kupinda muPSL mumwaka wa2024.

Nyaya iyi haina kufadza Tenax iyo yakanyorera kuZIFA izvo zvazoona nanhasi nyaya yacho isati yatongwa uye iri kunetsa kutonga kuti yofambiswa sei.

Izvi hazvisati zvamboitika kubva kare munhoroondo yenhabvu yemuno zvekuti nhabvu yePSL inosvika pakutanga mitambo yegore miviri pasati pave kuzivikanwa kuti chimwe chikwata chichapinda ndechipi chichabva kuDivision One.

Nyaya iyi yakanganisa zvikuru nhabvu yemuno izvo zvakaona vatsigiri venhabvu vachikahadzika nematongerwo enyaya iyi sezvo vamwe vange vave kuti pane nyaya isiri kuzivikanwa iri kuitika izvo zviri kuita kuti nyaya iyi inetse kupa mutongo.

Munyori mukuru weZIFA Eastern Region – Patient Dube – anoti nyaya iyi yave mumaoko eDisciplinary Committee iyo iri kuongorora nechivimbo chekuti vagopa mutongo kuti paonekwe chikwata chichapinda muPSL pakati pezviviri izvi.

Dube anoti nyaya iyi yakanganisa zvikuru chimiro chenhabvu yemuno uye ivo seEastern Region vadzidza zvakawanda kubva pane zvange zvichiitika panyaya iyi.

“Nyaya yatakatarisana nayo iri pakati peTenax neBikita Minerals iri kuongororwa nekomiti yakagadzwa yeDisciplinary Committee saka isu takangomirira kunzwa kubva kwavari kuti ndezvipi zvavanenge vawana kubva mutsvakurudzo dzavo.

“Tine chivimbo chekuti nyaya iyi yave pedyo nekugadziriswa nekuti chatinoda kunyanya kuti nyaya yacho igadziriswe nhabvu yedu ienderere mberi sezvo kutaura chokwadi nyaya iyi yakanganisa zvikuru nhabvu yedu,” akadaro Dube.

Zvichakadaro, mitambo yePSL iriko svondo rino ichaona Dynamos ichidzokera kuBulawayo kunosangana neHwange kuBabourfields mumutambo uchatambwa musi weMugovera.

Simba Bhora ichange ichatanga kushandisa nhandare yayo yeWadzanai Stadium svondo rino apo ichasangana nGreenfuel musi weMugovera kuchiti Ngezi Platinum neFC Platinum zvichasangana kuBaobab Stadium.

Mitambo yePSL iriko inoratidza kuti hakuna mitambo ichatambirwa muHarare sezvo muguta guru musati mave nenhandare yasvika padanho rinotarisirwa kutambirwa mitambo yePSL.

Share This:

Sponsored Links