‘ZIFA yauraya bhora’

16 Mar, 2023 - 12:03 0 Views
‘ZIFA yauraya bhora’ Edward Muchongwe

Kwayedza

Abel Ndooka

NYAKUMBOTAMBA nhabvu kuzvikwata zvinoti Dynamos FC, CAPS United nechenyika chemaWarriors — Edward “Major Murefu” Muchongwe — anotaura pasina kutya kana kunyara pamusoro penguva yaainge achatemwa dzinobva ropa, mamiriro akaita mutambo uyu muno pari zvino nezvimwe zvakawanda.

Muhurukuro neKwayedza, Major Murefu anoti nhabvu yemuno yaparara nekuti vanhu vari kuitungamiria kusangano reZimbabwe Football Association (ZIFA) havasi vebhora.

“Havasi vanhu vebhora vaye, vari kuuraya bhora redu. Bhora rinofanirwa kutungamirirwa nevakamboritamba nekuti ndivo vanonyatsonzwisisa mafambiro emutambo uyu.

“Manje muno anaFelton Kamambo vari kungoita zvavada nemari inobva kuFIFA, iyo inofanirwa kushanda kusimudzira mutambo uyu.

“Ngatitarise zvakaitika kuZambia, Kalusha Bwalya uyo akambotamba nhabvu akatungamira nhabvu yeko, iye zvino kuZambia nhabvu yavo iri kufamba zvakanaka,” anodaro.

Edward Muchongwe

Major Murefu anoti zvakakosha kuti vari kutamba nhabvu iye zvino vashandise mari yavo nemazvo.

“Vatambi vemazuva ano vave kuwana mari yakawanda kudarika panguva isu yatakatamba. Isu taitamba nekuti taida mutambo uyu uye tainge tisingawane mari seyaveko mazuva ano.

“Saka ndinokurudzira vatambi kuti ngavashandise mari yavo nemazvo, ngavavake pekugara uye vachichengetedza mari yavo nekuti vanotamba nhabvu nguva diki chete,” anodaro Muchongwe. ◆ Onai hurukuro izere pa: www.kwayedza.co.zw

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>