Zifa yomirira Hurumende

17 Dec, 2020 - 11:12 0 Views
Zifa yomirira Hurumende Xolisani Gwesela

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO rinotungamirira nhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti rakamirira kupihwa mvumo neHurumende kuti mitambo yePremier Soccer League (PSL) ichitanga kutambwa.

Gore rino, nekuda kwechirwere cheCovid-19 hakuna kumbobvira kwatambwa nhabvu yePSL zvichitevera kumiswa kwakaita mitambo pasi rose senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Zifa inoti yakanyorera kuHurumende ichikumbira mvumo yekuti mitambo yePSL irongwe uye pari zvino yakatenderwe kuti mitambo yezvikwata zvenyika zvinosanganisira maWarriors, Mighty Warriors nezvevechidiki zvemaUnder-10 itambwe apo zvimwe zvacho zviri kukwikwidza kumitambo yakasiyana inosanganisira Cosafa iyo yange ichitambwa kunyika yeSouth Africa.

Panhau yenhabvu yePSL, Zifa inoti yakangopihwa mvumo yekuti zvikwata zvose zvimbotarisa kuti vatambi vazvo havana here denda reCovid-19 uye zvochitanga kuita gadziriro chete.

Competitions manager weZifa Xolisani Gwesela uyo anove zvakare mukushi wemashoko wesangano iri, anoti pari zvino vakangopihwa mvumo neHurumende yekuti zvikwata zvePSL zviite gadziriro chete.

“Iye zvino tingori nemvumo yekuti zvikwata zvePSL zvingoita gadziriro chete,” anodaro Gwesela.

Kunyika dzinosanganisira South Africa, Zambia, Malawi neMozambique nhabvu yave kutambwa asi pasina vatsigiri munhandare senzira yekurwisa Covid-19.

Parizvino munyika muno nhabvu yangotambwa ndeyechikwata chemaWarriors icho chakatamba neAlgeria mumutambo wekurwira tikiti rekuenda kuAfrica Cup of Nations 2021 iyo ichatambirwa kuCameroon kozoti yeCAF Champions League iyo yakaona shasha yemuZimbabwe FC Platinum ichisangana neCosta dol Sol yekuMozambique.

Gwesela anoti vari kuita zvose zvavanokwanisa kuti nhabvu ichidzoka.

“Sekutaura kwandaita, takangomirira mvumo kubva kuHurumende kuti mitambo yePSL ichitanga,” anodaro.

Gore rino rave kusvika pakupera uye richaita rekutanga munhoroondo yenyika ino kupera nhabvu yePSL isina kumbotambwa izvo zvakonzereswa nechirwere cheCovid-19.

Share This:

Sponsored Links