Zim ichabaya 70pc yevanhu

24 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
Zim ichabaya  70pc yevanhu

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti chirongwa chikuru chekubaya nhomba vana vane makore 12 okuberekwa zvichikwira – icho chakatanga munyika yose nemusi weMuvhuro uno – chine chinangwa chekuti chikamu che70 percent chevanhu vose vari muZimbabwe vange vabaiwa majekiseni panopera mwedzi waChikunguru gore rino izvo zvinoenderana nezvinodiwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO).

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti Hurumende iri kukurudzira veruzhinji kuti vakoshese nyaya yekuramba vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Chirongwa chikuru chekubaya nhomba chakatanga nemusi weMuvhuro 21 Kurume, 2022 uye Hurumende iri kukurudzira vasati vabaiwa kuti vatore mukana uyu vabaiwe.

“Chinangwa chikuru chechirongwa ichi kuti chikamu che70 percent chevanhu vose vari munyika vange vabaiwa nhomba panopera mwedzi waChikunguru gore rino sezvinodiwa pasi pemitemo yeWHO. Nyika ine mushonga wenhomba unokwanirana wekubaya vanhu pasi pechirongwa ichi uye yakatambira majekiseni 22 405 000 eCovid-19, ikashandisa 8 034 932 kusvika pari zvino,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti boka reRisk Communication and Information, iro riri kutungamirira nyaya dzekushambadza, richatanga kupa chenjedzo pamusoro pechirongwa chekubaya nhomba kubva nemusi wa21 Kurume kusvika 3 Kubvumbi, 2022.

“Chirongwa ichi chichange chakanangana nevane makore 12 okuberekwa zvichikwira mukuvakurudzira kuti vabaiwe nhomba. Kushanda pamwe chete nevakuru vemachechi nevatungamiriri vemunharaunda kuchasimbaradzwa panguva iyi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 4,4 miriyoni vange vabaiwa nhomba yekutanga (first dose) yekudzivirira denda iri apo 3,4 miriyoni vange vabaiwa yechipiri (second dose).

Kusvika nemusi uyu zvakare, vamwe 181 798 vange vabaiwa nhomba yechitatu (booster).

Sen Mutsvangwa vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachizvidzivirira kubva kudenda iri.

“Hurumende iri kukumbira kuzvizvarwa zveZimbabwe zvose kuti zvisatore nyaya yeCovid-19 seyedambe uye vatevedzere mitemo yeWorld Health Organisation neyenyika nguva dzose. Mitemo iyi inosanganisira inotevera: kupfeka mamasiki nenzira kwayo nguva dzose, kushambidza maoko uye nekusaita chitsokotsoko.

“Veruzhinji vanokurudzirwawo kuti vagare vakangwarira nguva dzose nedonzvo rekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti huwandu hwenyaya dzevakabatwa nechirwere cheCovid-19 muzvikoro kubvira pakutanga kwetemu ino huri kudzikira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>