Uncategorized

‘Zim inoda machiremba epfungwa’

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
‘Zim inoda machiremba epfungwa’ Dr Mangwiro

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

BAZI rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana rinoti Zimbabwe iri kusaririra zvakanyanya panyaya yekusimudzira utano hwevarwere vepfungwa pamwe chete nekurapwa kwavo.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nemutevedzeri wegurukota rebazi iri, Dr John Mangwiro, pamusangano wakarongwa neBolds Ads iyo iri pasi pekambani huru mune zvenhau yeZimpapers.

Dr Mangwiro vanoti pari zvino Zimbabwe ine machiremba 15 chete vanoona nezvevarwere vepfungwa (practicing psychiatrists).

“Tikatarisa huwandu hwevanhu vemuZimbabwe tichienzanisa namachiremba vepfungwa gumi nevashanu chete, zvinoratidza kuti tiri kusarira zvakanyanya senyika. Panoda rutsigiro rwakasimba kuti vanachiremba ava vawande uye vanamukoti muzvipatara vanofanira kudzidziswa zvinodiwa munyaya dzine chekuita neutano hwepfungwa.

“Takatotanga chirongwa chekudzidzisa vanachiremba nanamukoti vezvepfungwa. Pari zvino pane chikoro chekudzidzisa vanachiremba nanamukoti vezvepfungwa paParirenyatwa Group of Hospitals cheMental Health Training School uye kumatunhu akasiyana vari kudzidziswawo,” vanodaro.

Dr Mangwiro vanoti veruzhinji vachiri nerusarura kuvanhu vane dambudziko rehurwere hwepfungwa zvinoita kuti vamwe vavo vapedzisire vava kutetereka nenyika kana kugara voga.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vashambadzire nyaya yekukosha kwekusimudzira utano hwepfungwa.

Deputy Director for mental health services kubazi iri, Dr Sacrifice Chirisa, vanotsinhira mashoko aya vachiti kushomeka kwanachiremba vevarwere vepfungwa idambudziko guru munyika.

General manager weBolds Ads, VaSimon Mapuranga, vanoti kambani yavo inotsigira zvakanyanya nyaya dzeutano.

“Tinoshuvira kuramba tichidyidzana nebazi rezveutano muzvirongwa zvekubatsira nekuzivisa veruzhinji maererano nezveutano hwepfungwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links