Zim shasha yeIKF Africa Champions

17 Nov, 2022 - 11:11 0 Views
Zim shasha yeIKF Africa Champions Chikwata chenyika cheKorfball icho chichanomirira nyika kuChinese Taipei

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA cheZimbabwe Korfball chakasimudza mureza wenyika kuZambia uko chakahwina mukombe weInternational Korfball Federation (IKF) Africa Champions ndokuwana tikiti rekunokwikwidza kuWorld Cup iyo ichatambirwa kuChinese Taipei gore rinotevera.

Achitaura vachangodzoka kubva kuZambia, mutungamiri weZimbabwe Korfball Association arizve mutungamiri weIKF Africa – Tarirai Chadebah – anoti chikwata chavo chine mufaro mukuru nekukunda kwachakaita.

Kuhwina kwavakaita kuZambia kunoreva kuti Zimbabwe pari zvino ndiyo iri pamusoro muAfrica yese mumutambo wekorfball. Africa ichange ichamirirwa neZimbabwe neMorocco iyo yakahwina mutambo werimwe boka reNorthern Region.

“Senyika, tiri kufara kuti takakunda kuZambia ndokuhwina tikiti rekuenda kuWorld Cup ichatambwa gore rinotevera kuChinese Taipei.

“Kuhwina tikiti iri pamwe chete neMorocco kunoreva kuti senyika tiri kufamba mugwara chairo uye tiri kuziva zvatiri kuita. Saka tinofanirwa kuramba tichishanda nesimba kuti tirambe tichisimukira mumutambo uyu,” anodaro Chadebah.

Anoti chikwata chavo hachisi kumbozvipa nguva yekuzorora nekuti vanoda kubva vatotanga gadziriro dzeWorld Cup izvozvi.

“Tinoziva kuti patinoenda kuWorld Cup tinotarisirwa pasi asi isu tinoda kunorwa semvumba kumutambo uyu tigovarakidza kuti tiri shashawo.

“Saka hatina nguva yekuzorora, takangobva kuZambia ndokusvika takutotanga kuronga rwendo rwedu rwekuenda kuChinese Taipei kumutambo uyu,” anodaro Chadebah.

Share This:

Sponsored Links