Zim yakakumba menduru kuSa

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Zim yakakumba menduru kuSa

Kwayedza

Abel Ndooka —
CHIKWATA cheZimbabwe Wheelchair and Hand Cycling chakadadisa nguva pfupi yadarika nekuhwinha menduru 13 kumujaho weOuteniqua Wheelchair Challenge uyo wakaitirwa kuGeorge, kuSouth Africa.

Team Zimbabwe yakahwina menduru dzinoti shanu dzegoridhe, mbiri dzesirivha nenhanhatu dzebhuronzi.

Vatambi vanoti Wilson Nyakoko, Knowledge Munogweyi, Thandiwe Ndlovu Ireen Phiri naRatidzo Tomu ndivo vakahwina menduru dzegoridhe mumijaho yakasiyana kozoti Moleen Majoni naMargaret Bangajena  vakahwina dzesirivha.

Maneja weTeam Zimbabwe, Christopher Jaji, akarumbidza chikwata chavo icho anoti chakasimudza mureza wenyika kumutambo uyu.

Anoti vanonzwa manyuku-nyuku nekubudirira kwavakaita kuSouth Africa.

“Takaita zvinorova, chikwata chedu chakakwikwidza seshasha uye menduru dzatakawana dzinotaura dzega kuti tiri shasha.

“Tinotenda makambani akasiyana nerutsigiro rwavakatipa kumutambo uyu. Tinovimbisa kuti ticharamba tichirwa semvumba kuti tirambe tichikunda,” anodaro Jaji.

Share This:

Sponsored Links