Zim yobandana nePakitsan

19 May, 2023 - 16:05 0 Views
Zim yobandana nePakitsan Zimbabwe Cricket

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons svondo rino chiri kubandana nePakistan A mumitambo mitanhatu yeOne Day International kunhandare yeHarare Sports Club.

Zvichitevera kupera kwemitambo yeTest Match miviri iyo zvikwata izvi zvakatatsurana svondo radarika, svondo rino zviri kutamba mumitambo yeODI kutanga nemusi weChitatu chino.

MaChevrons ari kushandisa mutambo uyu kuita gadziriro dzekuzorwira tikiti rekuenda kuWorld Cup izvo zvichamaona achizosangana nezvimwe zvikwata 10 mumutambo weInternational Cricket Council (ICC) Men’s Cricket World Cup Qualifier 2023 uyo uchatambirwa muno kutanga munaChikumi.

Mutauriri weZimbabwe Cricket (ZC) – Darlington Majonga – anoti ZC yakaronga mitambo yemaODI iyi nechikwata chePakistan Shaheens nechinangwa chekubatsira maChevrons kuita gadzirro apo akatarisana nekurwira tikiti rekuenda kuWorld Cup.

Pamutambo weICC Men’s Cricket Council World Cup Qualifier 2023 uyo uchatambirwa muno, zvikwata 10 zvichange zvichirwira zvinzvimbo zviviri chete zvasara zvekuenda kuIndia uko kuchatambirwa World Cup gore rino.

Darlington Majonga

“ZC yakaronga mutambo we50 Over Series nechikwata chekuPakistan ichi kuti zvibatsire Zimbabwe mugadziriro dzayo apo yakatarisana nemutambo weICC Men’s Cricket World Cup Qualifier 2023 uchatambirwa muno kunhandare ina dziri muHarare neBulawayo kutanga musi wa18 Chikumi kusvika 9 Chikunguru.

“Zvikwata 10 zvichange zvichirwira zvinzvimbo zviviri zvasara zvemutambo weICC Men’s Cricket World Cup 2023 uyo uchatambirwa kuIndia gore rino,” anodaro Majonga.

Mutambo wemaChevrons nePakistan uyu waifanirwa kuona mimwe mitambo ichitambirwa kuTakashinga asi ZC yakazotora danho rekuti mitambo yese itambirwe kuHarare Sports Club sezvo kuTakashinga Cricket Club kuri kuvandudzwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>