Kwayedza
Malven Mugadzikwa
SANGANO rinoona nezvekushanyirwa munyika reZimbabwe Tourism Authority (ZTA) rinoti gadziriro dzeDubai Expo, iyo ichaitwa kunyika yeDubai munguva iri kutevera, dziri kufamba zvakanaka uye Zimbabwe iri kutarisira kushambadza zvakanyanya nzvimbo dzayo dzekushanyira, zvetsika nemagariro uye zviwanikwa zvemuno.
Mukushi wemashoko kuZTA, VaGodfrey Koti, vanoti Dubai Expo inopa mukana kunyika zhinji, kusanganisira Zimbabwe, wekuti dzishambadze nzvimbo dzadzo dzekushanya uye zviwanikwa zvinokwezva vashanyi.
“Tiri kufara seZTA kuti Zimbabwe iri pakati penyika dzichange dziri pachirongwa ichi nekuti zvinoita kuti senyika tizivikanwe zvatinazvo zvinoyevedza vashanyi uye kushambadza tsika dzedu nemagariro. Uyu mukana wekuti bhizimisi rezvekushanyirwa rikure uye kukwezva vanoda kuita mabhizimisi munyika yedu,” vanodaro VaKoti.
ZTA iri kufara zvikuru kuti hurongwa hweDubai Expo iyo ichatanga muna Gumiguru gore rino, huri mugwara.
Pasi pechirongwa ichi, nyika imwe neimwe inowana mukana wekuzvishambadza izvo zvakare zvinobatsira panyaya yekudyidzana kwenyika dzakasiyana.