Uncategorized

Zim yonopakura ruzivo rweropa

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
Zim yonopakura ruzivo rweropa Muzvare Esther Massundah

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ) rakasarudzwa pakati pemamwe masangano emunyika nhanhatu pasi rose kuti ringe richinopakura ruzivo maererano nekupa uye kugadzirwa kweropa nenzira inoita kuti risave nenjodzi kuupenyu hwevanhu kumhemberero dzeWorld Blood Donor Day idzo dzichaitwa kuRwanda munguva inotevera.

Dzimwe nyika shanu dzine masangano akasarudzwa dzinoti Rwanda, Cameroon, Belgium, Netherlands neUnited States.
Mhemberero dzeWorld Blood Donor Day dzichaitwa pasi pedingindira rinoti “Ropa Rakanaka Kuvanhu Vose”.

Vachitaura kuvatori venhau muHarare apo nyika iri kugadzirira zuva reWorld Blood Donor Day — iro richaitwa kechipiri muAfrica nomusi wa14 Chikumi — mukushi wemashoko kuNBSZ, Muzvare Esther Massundah, vanoti Zimbabwe ichagoverana ruzivo maringe nenyaya dzekushambadzwa uye kutengeserana, kusarudzwa kunoitwa vanhu vanopa ropa pamwe nekushandiswa kweruzivo rweindaneti mukushambadzwa kwemabasa ane chekuita nekupa ropa.

“Zimbabwe ine zvinhu zvakawanda zvekugoverana nazvo maringe nechirongwa ichi. Tiri kutarisirawo kuzodzidza zvakawanda kubva pachirongwa ichi, zvikuru panguva iyo ropa riri kuwaniswa kuvanhu pachena. Nyaya dzine chekuita nekuchengetedzwa kwakanaka kweropa dzinenge dzakakosha zvikuru,” vanodaro.

Muzvare Massundah vanoenderera mberi vachiti, “Tine zvirongwa zvakawanda zvatiri kuita segadziriro dzechirongwa ichi secheNBSZ Week Campaign apo tichange tichitsvaira muguta nomusi wa10 Chivabvu paKuwadzana High, muHarare. Chikoro ichi chiri pamberi mukupa ropa.

“Nomusi wa26 mwedzi mumwe chete uyu, pachiitwa mabasa ekushambadza uye tichange tichikurudzira vanhu kuti vazive maBlood Groups eropa ravo kuitira kuti vakurumidze kubatsirwa muzvipatara kana vachinge vawirwa nedambudziko rinoda kuti vawedzerwe ropa.

“Madzimai achakurudzirwa zvakare kuti ape (Mother’s Day Blood Drive).”
Vanoti vachapemberera zuva reNational Blood Donor Day nomusi wa6 Chikunguru kuManicaland senzira yekutenda vanhu vose vakazvipira kupa ropa uye vachicherechedza dambudziko rakawira dunhu iri zvichitevera mafashamu emvura yaive nedutumupengo, Cyclone Idai.

Zvisinei, Muzvare Massundah vanoti ropa remhando yeBlood Group O ndiro richiri kushomeka uye NBSZ iri kutarisira kuzowana ropa rine huwandu hungaita 108 405 units gore rino kubva pa87 000 dzakawanikwa gore rapera, zvichitevera huwandu hweropa huri kudiwa munyika.

Vanotizve vachawanawo mukana wekutenda vanhu vakazvipira kupa ropa senzira yekuchengetedza upenyu.

Share This:

Sponsored Links