Uncategorized

Zim yorwisa Covid-19

24 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Zim yorwisa Covid-19 Vice President Kembo Mohadi

Kwayedza

Tandayi Motsi
DARE reCabinet nemusi weChipiri chino rakatambira nemaoko maviri gwaro riri pamusoro pebudiriro yaitwa neZimbabwe kusvika pari zvino mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Gwaro iri rakaturwa mudare iri nasachigaro weAd Hoc Inter-Ministerial Task Force on Covid-19 Vice President Kembo Mohadi.

Zimbabwe kusvika pari zvino yafamba nezvirongwa zvakanangana nekurwisa kupararira kweCovid-19 uye izvi zvinosanganisira kuvepo kwemidziyo inoshandiswa pakuvheneka chirwere ichi nezvipfeko zvevashandi vezveutano.

Vanhu vanosvika 3 380 vakavhenekwa (rapid results screening nePCR tests) kusvika musi wa19 Kubvumbi kana zvichienzaniswa ne600 avo vainge vavhenekwa kusvika musi wa14 Kubvumbi.

Vanhu vavhenekwa vakawanikwa vaine utachiona hwecoronavirus kusvika pari zvino vave 28 kubva pa17 vaivepo musi wa14 Kubvumbi.

Pavanhu vawanikwa vaine Covid-19 ava, vana vavo vakatoshaya.

Zimbabwe yakagashira midziyo inoshandiswa pakuvheneka Covid-19 inosvika 4 499 kubva kuNamibia nemusi wa15 Kubvumbi iyo yakabva yaendeswa kumatunhu ose enyika.

Pamusoro pezvo, mimwe midziyo yekuvheneka utachiona hwecoronavirus inosvika 6 000 yakabva kuUNDP, Global Fund neInnscor.

Midziyo 10 000 yeGeneXpert cartridges yaitarisirwa zvakare kusvika munyika svondo rino apo mimwe 20 000 yemhando iyi iri kuunzwa neUnicef ichiendeswa kumatunhu ose eZimbabwe.

Chipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals chiri kupatsanurwa kuiswa muzvikamu zviviri zvinoti red negreen zones nechinangwa chekusimudzira kurwiswa kweCovid-19 uye basa iri rave pachikamu chekuda kupera (95 percent).

Kuvandudzwa kweBeatrice Road Infectious Diseases Hospital kwakatotanga uye kuri kutsigirwa nekambani yeInscor.

Zvikamu zvinobatsira varwere vanenge vachirwara zvakanyanya (Intensive Care Units) zvinosvika 13, izvo zvine mibhedha 100 pachimwe nechimwe, zvakasarudzwa kumativi ose enyika kuti zvigobatsira zvikamu zvishanu kubva muzana (5 percent) zvevarwere vangade rubatsiro rwerudzi urwu.

Senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19, mutungamiriri wenyika President Mnangagwa nguva yadarika vakaparura muzinda wezvekufambiswa kwemashoko uyo veruzhinji vanochaya nhare vachida kuziva zvakasiyana pamusoro pecoronavirus uye kusvika pari zvino nhare dzagamuchirwa pamuzinda uyu dzinosvika 3 800.

Nechinangwa chekuti vadzidzi vasasaririre mufundo yavo zvichitevera kuvharwa kwakaitwa zvikoro nekuda kweCovid-19, bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakatendera kuti pave nechirongwa chekuti vadzidze kuburikidza nedandemutande chinozivikanwa nekuti  Ruzivo Platform.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>