Zimpapers Netball Queens yotarisa kure

13 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Zimpapers Netball Queens yotarisa kure Vamwe vechikwata cheZimpapers Netball Queens

Kwayedza

Abel Ndooka
CHIKWATA chenetball chekambani huru munyaya dzezvenhau munyika muno cheZimpapers Netball Queens chinoti chine shuviro yekusvika kure mumutambo uyu uye chinoda kuti chizopinda muligi reZimbabwe Netball Association Super League.

Kaputeni wechikwata ichi, Veronica Gwaze, anoti vari kurwa semvumba uye vachiri pakati pekuvaka chikwata chavo.

Chikwata ichi chakavambwa nguva pfupi yadarika uye parizvino chiri kukwikwidza muligi reZIMPAR Netball Social umo mune zvikwata gumi zviri kurwira kusimukira kusvika zvapinda muSuper League.

Kubva yavambwa, Zimpapers Netball Queens yakwanisa kutamba mitambo miviri muZIMPAR Netball Social ndokuhwina yose ichikunda NSSA Queens 37-14 uye ndokukwapaidza IPEC 28-0.

“Tichiri kuvaka sechikwata asi tega tichitarisa matambiro atiri kuita zvinorakidza kuti tiri kufamba mugwara chairo.

“Isu sechikwata shuviro yedu kuti tirambe tichisimukira kusvika tasvika kuZimbabwe Netball Association Super League uye tichakusvika chete,” anodaro Gwaze.

Anoti vatambi vazhinji vari muchikwata chavo  vakambotamba netball vachiri kuchikoro kupuraimari uye matambiro avari kuita anorakidza kuti zvichirimo mavari.

“Vatambi vari muchikwata chedu vazhinji vakatamba netball kupuraimari asi zviri kurakidza kuti zvichirimo. Varairidzi vedu vari kushanda nesu zvakasimba kuti titambe netball yepamusoro yave kutambwa mazuva ano,” anodaro Gwaze.

Nemusi weMugovera unotevera, Zimpapers Netball Queens ichange iri pamusha payo paRoosevelt Girls High, muHarare apo ichasangana neHit Queens.

Chikwata cheZimpapers Netball Queens chakaumbwa nevatambi kubva kumapoka akasiyana eZimpapers.

Coach Taps avo vanova ndivo vari kurairidza chikwata ichi vanoti varikufadzwa nematambiro avarikuita sezvo vasina nguva yakareba vachitamba muligi.

Vanoti zvekare remangwana rechikwata ichi rakajeka chaizvo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>