Zimpapers, ZFRPA vosimudzira dzidzo

17 Jan, 2024 - 12:01 0 Views
Zimpapers, ZFRPA vosimudzira dzidzo VaMarks Shayamano (vechitatu kubva kuruboshwe) naVaAaron Golden Shamu (vechipiri kubva kuruboshwe) vachinyorerana chibvumirano chekushanda pamwe chete apo Mai Jiji (kuruboshwe) naMai Liz Mushonga vanove National Copy Sales Mananger weZimpapers Digital and Publishing Division vaive vakatarisa.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeZimpapers, kuburikidza nebepanhau rinoburitsa zvedzidzo bedzi, reKwayedza Dzidza, yakanyorerana chibvumirano chekushanda pamwe chete nesangano reZimbabwe Free Range Poultry Association (ZFRPA) icho chakananga kusimudzira zvikoro nevadzidzi Zimbabwe yose.

Pasi pechibvumirano ichi, ZFRPA ichapa mibairo yehuku kuzvikoro zvinotenga Kwayedza Dzidza rakawanda kuti vavambe mabasa ekuzvisimudzira. Chikoro chichatora mubairo wekutanga chichapihwa huku 200 kuchizoti chinotevera chichawana huku 100.

Chibvumirano ichi chakanyoreranwa naVaAaron Golden Shamu vanove sachigaro weZFRPA naVaMarks Shayamano avo vanova General Manager weZimpapers Digital and Publishing Division, muHarare svondo rapera.

VaShayamano vanoti kunyorerana chibvumirano ichi kunoenderana nemuono wenyika weVision 2030 nezvinangwa zvemaSustainable Development Goals 1 ne2 maringe nekusimudzirwa kwenyaya dzekurima kuti nyika iwane maguta.

Vanoti chirongwa ichi chakanaka nekuti chiri kubata vechidiki chichivagadzirira kuti vazova vanamuzvinabhizimisi vanozvivambira mabasa mune remangwana ravo.

“Kazhinji tinoona vanhu vakawanda vachiti paya pavanokura vari mumabasa vanonetseka zvikuru maringe nezvanozoita kana vava pamudyandigere. Ndinoona danho iri rakanaka nekuti riri kutangira kuvana vechikoro kuti vadzidze kuchengeta huku dzechivanhu zvinoita kuti vasazoshushikana mungandariro kunyangwe pavanokura nekuti vanenge vatogara vari mazviri. Vazhinji vanofa nekuda kwekuzvidya ndangariro paye pavanosiya mabasa nekuti vanenge vakangojaira kutambira mari mumakambani. Danho rekuzviitira mabasa emaoko rakakosha uye haridhuri nekuti unenge uchitozvibatira purofiti yako pasina tsvete,” vanodaro.

VaShamu vanoti sangano ravo rine nhengo dzinodarika 1 600 muyika dziri kufambisa mabhindauko ehuku dzechivanhu kusanganisira zvihuta, hanga, madhadha nemagarikuni nokudaro vanofara zvikuru kushanda nezvikoro zviri mumatunhu ese mukuvandudza bhizimusi iri.

“Huku dzechivanhu dzakakoshera pakuti hadzinetsi kuchengeta sezvo munhu asingadhurirwe nekutenga chikafu chemuchitoro nguva nenguva, dzinorarama nekupara asi dzichida kutsigirwa nekudya. Dzinobatwawo nezvirwere asi kwete zvakanyanya kana tichienzanisa nemabroilers. Dzinotirira nzara uye dzinopa mazai nenyama zvine utano ndiko kusaka veutano vachipa kurudziro yemhando yekudya uku kunova kusina mafuta akawanda anonenekedza vanhu kuzvirwere zvemoyo, bp, gomarara nezvimwe,” vanodaro.

Mai Beauty Jiji vanova secretary-general weZFRPA vanoti vakaona zvakakodzera kuti vasimudzire vana vechikoro nechirongwa ichi kuitira kuti vave neremangwana rakajeka kuburikidza neKwayedza Dzidza.

“Takaona kuti muzvikoro vana vari kuitiswa maCALA asi zvekushandisa zvacho mudzidzo vanenge vasina nokudaro zvakakosha kuti tishande nebepanhau reKwayedza Dzidza sezvo richinangana nebudiriro yevana muzvikoro. Saka tichapa mibairo yehuku 200 kuchikoro chichatora mukombe mukutenga mapepanhau eKwayedza Dzidza, kuchizoti huku 100 kune vachatora nhamba yechipiri. Huku idzi tinobatsirana nezvikoro kudzichengeta zvichibatsirawo kuti vawane mari yekuita mabhindauko emuzvikoro,” vanodaro Mai Jiji.

 

Share This:

Sponsored Links