Uncategorized

Zinyoka svaku Mubhuti mota yaita tsaona…ndokupihwa mhunga richidya

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Zinyoka svaku Mubhuti mota yaita tsaona…ndokupihwa mhunga richidya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MOTOKARI yerudzi rweHonda Fit yoita tsaona, varidzi vayo voburuka, vobva vavhura bhuti umo vanoburitsa zinyoka, votanga kuripa mhunga richidya nekunwira mvura. Vanozoisa nyoka iyi musaga, vobva vaenda nayo kunokwira makombi vachisiya mota yavo. Iyi ndiyo minana yakaitika panzvimbo yemabhizimisi yeMurambinda, kuBuhera, svondo rapera apo vamwe varume vaviri vanonzi vakaburitsa mukweshwa wenyoka kubva mubhuti remotokari yavo yakange yaita tsaona ndokutanga kuipa mhunga ichidya nekuinwisa mvura zuva rakacheka nyika.

Varume vakaita izvi vanonzi vanoshanda neimwe n’anga yekuChipinge ine mukurumbira (zita rayo tinaro). Manenji aya akaitikira pagaraji rekwaNangatidze mushure mekunge varume vaviri ava vaita tsaona pedyo nebhawa rekwaMachoko nechitoro cheWasara Wasara ndokuzodhonzesa motokari yavo kuti igogadzirwa pagaraji iri.

Motokari yeHonda Fit ipfumbu (grey) paruvara uye yakakuvara zvikuru vhiri remberi rekurudyi nekumashure kwayo mutsaona yayakaita pasina imwe mota iyi.  Pakaitika izvi, motokari iyi inonzi yaishandiswa nevabatsiri ven’anga yekuChipinge avo vari kufungirwa kuti vaibva kunotora nyoka iyi pamwe chete nemimwe mishonga zvainge zvakakwereteswa kumumwe munhu wekuBuhera nen’anga iyi uyo anonzi aizvishandisa kuita mari neupfumi.

Mumwe wavanamakanika vepagaraji iri, Noah Tigere (40), anotsinhira kuti akaona mashura aya, musvesvenenga wenyoka uchiburitswa mubhuti remota ndokupihwa mhunga ichidya. Anoti varume vaviri ava vaibva kwaGaza uko vakange vanotora nyoka nemimwe mishonga iyi.
“Dzaiva kuma9 mangwanani apo ndaiva nemumwe wandinogadzira naye moto, Pablo Mhaka, paine vamwewo vanhu vaigadzirisa motokari dzavo. Pakasvika ‘wreker’ yaive yakatakura motokari iyi (achinongedzera), yerudzi rweHonda Fit yaiva yaita tsaona.

“Motokari iyi yakaburutswa, varume vaviri vaivemo avo vanozivikanwa muno nekuChipinge kuti vanoshanda nen’anga ine mbiri iyi, ndokuburuka vachibva vati vaida kuti igadzirwe nekuzoitengesa. Vakati vanoda kuitengesa US$1 200 nekuda kwetsaona yayakaita,” anodaro Tigere.

Varume vaviri ava vanonzi vanoitwa muzukuru nemunin’ina nen’anga yekuChipinge. Vanonzi ndivo vanotumwa nen’anga iyi kunotora zvinhu zvayo zvinenge zvakwereteswa kuvanhu zvinosanganisira zvikwambo, nyoka nemishonga. “Sezvatinoita kana vanhu vachisiya motokari kuti igadzirwe, vakatanga kuburutsa zvinhu zvavo tichiverengerana nekunyorerana pasi. Ndakazoshamiswa kuona varume ava vave kuenda pamucheka we’green’ waiva wakasungwa kubhuti pakati pevhiri umo ndakaona chinhu chaizvonyongoka. Vakabva vatakura saga iri kuburutsa panze ndokuriisa pasi muchibva mabuda mukweshwa wenyoka uyo wairwerwa rute nekurutsa raiita seropa,” anodaro Tigere.

Anoti nyoka iyi haana kuziva rudzi rwayo nekutya asi inogona kunge iri mhungu kana kuti rovambira. Pakarepo, anoti varume ava vakabva vatanga kupa nyoka iyi mhunga ichidya. “Varume ava pavaipa nyoka iyi mhunga vaiva vakapfugama vachiteketera nemazwi aiva pasi pasi vose vachiuchira vakatarisa kumabvirazuva. Zvavaitaura zvainzwika zvishoma-shoma, asi mashoko andakaita sendakanzwa ndeaiti vaibva kunotora nyoka iyi

kumunhu kwavaiva vaikweretesa kuti ashandise kuita mari. Ndakanzwawo kuti vaviri ava vaibva kwaSabhuku Chinzou, kwaGaza, apo vakazoita tsaona.” Varume ava vanonzi vakati vainge vabhadharwa mari yekugara kwainge kwaita murume akanga atora nyoka iyi nemimwe mishonga uye vainge vodzokera nazvo kuChipinge.

“Pane fungidziro huru yekuti nyoka iyi nemishonga ndizvo zvakakonzeresa tsaona nekuti vaviri ava vanonzi vakanga vatyora mhiko dzavakanzi nen’anga vatevedze sezvo vainge vakadhakwa,” anodaro Tigere. “Zvimwe zvinhu zvakaburitswa mumotokari umu zvaisanganisira vhunurwa renyoka raiva rakareba mamita angaite mana, mishonga, zvimatende, tsvimbo nhema, chuma nezvimwewo.”

Nyoka iyi inonzi yakapihwa mhunga yaibviswa mune kamwe kadende kudzimara yaguta uye yaisaratidza kutya vanhu. Inonziwo yakazopihwa mvura ikanwa. Zvose izvi zvinonzi zvakaitwa varume vaviri ava vakachonjomara apo Tigere anoti iye nevamwe vakazviona vainge vamira nechekure vachitya.

“Varume ava vapedza kufidha nyoka yavo, vakaidzosera mumucheka vachibva vazoiisa muzibhegi, ndokutorawo mimwe mishonga, tsvimbo nezvimwe zvose. Vakatanga nekutsiga mumwe wavo zibhegi raiva nemukweshwa wenyoka, iro akaisa pafudzi, mumwe ndokutakura saga raiva nezvimwe. Vakabva vananga nekumugwagwa weMurambinda-Birchenough-Chipinge nemitoro yavo. Hatizive kuti vakahaya motokari here asi vakagumisira kuonekwa vakamira kumugwagwa kunokwirirwa makombi anoenda kuBirchenough.”

Zvichakadai, murume uyu anoti mubasa rake rehumakanika, anosimbosangana nenyoka dzinenge dziri mumotokari. “Pandaimboshandira kuBotswana pane munhu akasiya motokari yake ini ndokupinda pasi payo. Muridzi wayo aive kure asi akabva azviziva ndokundifonera kuti ndisavhure nzvimbo yandakanga ndave kuda kugadzira achiti maive nezvaivemo. Saka dzimwe motokari dzinoshandisirwa mishonga,” anodaro.
Akazopa muenzaniso wedzimwe motokari dzinonzi hadzityairwe nevamwe vanhu kunze kwevaridzi vadzo.

“Kuburikidza nechiitiko ichi, tave kutya pano. Kunyangwe makasitoma edu akaona chiitiko ichi vamwe vakatizawo motokari dzavo vakazodzoka vanhu ava vaenda.” Kusvika pakadhindwa bepanhau rino, varume vaviri ava vanonzi vainge vasati vatora motokari yavo kana kubhadhara mari yekuti igadzirwe. Sezvo varume ava vainge vati vanoda kutengesa mota iyi, kune vanhu vemunzvimbo iyi vanonzi vari kuti vanoida asi vamwe vari kutya nekuda kwenyaya yenyoka iyi.

Munguva pfupi yadarika, kune murume anonzi Grey Mupinganjira (32) wekwaChihota akabatwa nemapurisa anoshandira mumugwagwa muHarare aine nyoka mubhegi rake ari mukombi yaibva kuMbare ichienda kuEpworth. Murume uyu akati akapihwa nyoka iyi senhaka naamai vake vava mushakabvu.

Nyaya iyi yakatopinda mudare redzimhosva murume uyu ndokutongerwa kubvisa faindi ye$150 mushure mekubatwa nemhosva yekuwanikwa aine nyoka zvisina mvumo yebazi reNational Parks and Wildlife Management. Kunyangwe zvazvo nyoka iyi yakatorwa nevebazi iri, Mupinganjira anoti yakadzoka kwaari uye veNational Parks and Wildlife Management vakasara nemucherechedzo wayo chete.

Share This:

Sponsored Links