Zivai nezve ‘Long Covid-19’

07 Oct, 2021 - 11:10 0 Views
Zivai nezve ‘Long Covid-19’ Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Dr Helen Kabaya

VANHU vakawanda, avo vari kurwara nechirwere cheCovid-19, vari kupora mukati memasvondo mashoma ekurwara.
Zvisinei, chimwe chikamu chevanhu ava vanobva vatanga kuva nezvimwe zviratidzo zvechirwere ichi mukati memwedzi miviri iyo inozivikanwa nekunzi “Long Covid-19”.
Chirwere ichi chinowanza kushungurudza vanhu vagara vaine zvimwe zvirwere.
Zviratidzo zvechirwere ichi zvinosanganisira
Kuneta
Kupererwa nemweya wekufema
Kurwadziwa muchipfuva
Kushungurudzika
Zvimwe zviratidzo zveCovid-19 zvinosanganisirawo kutadza kunzwa munhuwi wezvinhu, kukosora, kurwadziwa nemuviri uye kusafunga zvakanaka.
Vanhu vazhinji vanobatwa nechirwere cheCovid-19 vanenge vasangana nemunhu anacho, zvikuru sei ari nhengo yemhuri zvichiita kuti vawanikwe vachitapurira vamwe.
Zvakakosha kuti vanhu vakwashe rubatsiro kumachiremba nenguva kuitira kuti chirwere ichi chisaramba chichitekeshera.
Denda iri rinodziviririka kuburikidza nekupfeka mamasiki, kugeza maoko nesipo, kuregedza kuungana uye kugara panzvimbo dzine mhepo inofefetera yakakwana.

Dr Kabaya vari kuita zvidzidzo zveMasters in Public Health programme uye pari zvino vari kudzidzira basa (attachment) kuNAC.

Share This:

Sponsored Links