Uncategorized

Zivai zvinodiwa pamagwaro eWiri

28 Jun, 2019 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Fourie Revai
KANA munhu achinge afa, anosiya zvinhu zvakasiyana zvakadai semidziyo yake, mari, motokari, masheya ekambani nezvikwereti, pakati pezvimwe zvinhu zvinozivikanwa nekuti Estate muchirungu.

Pamutemo, munhu anotenderwa kunyora zvaanoda kuti zvinge zvichiitwa pamidziyo yaanozosiya pagwaro rinodaidzwa kunzi Wiri. MuWiri umu, munhu anonyora magoverwo aanoda kuti pfuma yake inge ichiitwa kana achinge azofa. Mutemo uyu unodaidzwa kunzi Will Act Chapter 6:06.

Gwaro rekukumbira kunyora Wiri:

Mutemo weWills Act unoshanda kumaWiri akaitwa kutanga kwaNdira 1988. KumaWiri akaitwa mushure memwedzi uyu, anenge achitariswawo.

Ndiyani akakodzera kunyora Wiri?

Munhu wese ane makore 16 ekuberekwa kana kudarika anokwanisa kunyora Wiri kunze kwekuti kana pfungwa dzake dzisina kugadzikana panguva iyoyo haakwanise kunyora Wiri.  Pane dzimwe dzenguva Wiri rinogona kusanyorwa zvichitariswa mashandisirwo akanyanya anenge ari kuitwa zvinhu nemunhu.

Zvii zvinokwanisa kugoverwa paWiri?

Munhu anonyora Wiri anotenderwa kuratidza zvinhu zvaainazvo seWiri kuti zvinozogoverwa nenzira ipi. Zvinhu zvinogoverwa zvinofanira kunge zvakanyoreswa muzita rake.

Kana midziyo yakanyoreswa muzita remudikani kana mumwe munhu wetatu, hazvikwanisi kuti zvinge zvichiiswa mugwaro reWiri.

Zvinogona kunge zviri mumazita emhuri, shamwari kana sangano rinobatsira vanotambura hazvikwanisi kugoverwa. Muridzi weWiri anokwanisa kupa zita remunhu anofanira kunge achigara nhaka yekuchengeta vana vanenge vachiri vadiki.

Gwaro reWiri rinoshanda kunyangwe pasina midziyo inosiiwa. Pamusoro pazvo, hapana zvikonzero zvinofanira kupihwa kuti sei mufi asina kuzoisa vamwe vana paWiri iroro kana vamwe vemumhuri yake.

Pamutemo, munhu anopihwa sarudzo yekuita zvaanoda iyo inonzi pachirungu freedom of testation.

Ndivanani vakakodzera kuwana zviri paWiri?

Munhu wese — kusanganisira mwana anenge asati azvarwa, makambani, kana masangano —  anokwanisa kuwana mugove weWiri.

Zvisinei, pane mitemo iripo inobatawo zvimwe zviri muWiri.

 Munhu anosaina Wiri

 Munhu anonyora Wiri semubatsiri anotarisirwa kuwanawo mugove wake

 Mutongi, mupurisa kana magweta anobatsira mukufambiswa kwemagwaro nemhiko.

 Achasara achichengeta mhuri kana mubatsiri wemunhu anenge achirarama nehurema.

 Mudikanwi kana vana

Ndivanaani vanokwanisa kuitwa vafakazi paWiri?

Munhu wese ane makore 16 okuberekwa anokwanisa kudeedzwa kudare achipa umbowo achikwanisa kuona magwaro achisainiwa achipawo huchapupu.

Ndeapi matanho anotorwa pakunyorwa kweWiri?

Hakuna matanho akanyorwa anotevedzwa pakunyora Wiri asi pane zvimwe zvinhu zvinofanirwa kutevedzwa pamutemo. Zvakakosha kuregedza kushandisa Wiri yemashoko kana kuti kuinyora panguva yekurwara.

 Wiri rinofanira kunyorwa pasi.

 Kusainiwa pasi pegwaro rimwe nerimwe nemunyori waro uye mufakazi.

 Vafakazi vanofanira kusaina pamwe nemugoveri weWiri yacho anenge akasarudzwa

 Wiri rinofanira kusainiwa pagwaro rimwe nerimwe nemutongi kuti rionekwe kuti nderechokwadi.

 Munhu wese anosaina Wiri anofanira kuziva zvirimo nezvikonzero kuti sei ari kusaina.

 Dare guru reMaster of High Court rinozadzikisa zvinenge zvakanyorwa neWiri zvisinei nekuti zviri mumagwaro zvinogona kudaro zvisingafambirani nezvinofanira kunge zviri muWiri.

Wiri rinochengeterwa kupi?

 Wiri rinogona kuchengeterwa kuhofisi yaMaster of High Court

  • Magweta anogona kurichengeta vakamiririra mugoveri weWiri

 Vamwe vanochengetera kumachechi kana kuti kumabhengi.

Mugoveri wenhaka yezviri paWiri anofanira kuona kuti vemhuri vese vaziviswa kuti kune Wiri kana gweta, vemachechi nevemabhengi kuti vazozivisa vemhuri kunge pachinge paitika rufu.

 

Kana paine zvimwe zvamunoda kuziva tibatei padandemutande rinoti  [email protected] kana kuridza nhare patollfree nhamba inoti 08080131 uye dzehotline dzinoti 0776 736 873/ 0782 900 900.

 

Share This:

Sponsored Links