ZKU yorwisa zvinodhaka nekarate

07 Mar, 2024 - 20:03 0 Views
ZKU yorwisa zvinodhaka nekarate Shihan Tawanda Mufundisi

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Karate Union rinoti riri kuronga kufamba munzvimbo dziri kumativi mana enyika dzinosanganisira muzvikoro richidzidzisa mutambo uyu nechinangwa chekubatsira vechidiki kuti vabve mune zvinodhaka nemamwe mabasa asina maturo.

Mutungamiri weZKU – Shihan Tawanda Mufundisi – anoti gore rino sangano ravo rine zvirongwa zvakawanda zvekusimudzira karate pamwe chete nekurwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki.

“Karate mutambo unodzidzisa munhu kuzvibata nekuzvininipisa naizvozvo isu tinoda kudzidzisa vechidiki kuti vazvibate muhupenyu hwavo.

“SeZimbabwe Karate Union, tine hurongwa hwekutenderera munzvimbo dzakasiyana munyika tichidzidzisa mutambo uyu zvawakanakira kumunhu nehupenyu hwake.

“Tinoda kubvisa vechidiki mune zvinodhaka nemamwe mabasa enhando akaita sehumbavha.

“Saka tinoda vazive kuti vakatamba karate vanogona kuwana pundutso vachirarama hupenyu hwakajeka husina mabasa erima.

“Tinorwadziwa tichiona vechidiki vazhinji hupenyu hwavo huchienda mudondo nekuda kwezvinodhaka uye nemabasa asina maturo,” anodaro Shihan Mufundisi.

Anoti gore rino ZKU ine hurongwa hwekutumira vatambi vakawanda kumitambo ichatambirwa kunze inosanganisira yeEuropean Championship kuGermany, AFCKO Regional Tournament ichaitirwa kuSouth Africa, Kobudo (Weapon) Championship kuEurope ne5th IKON Champ of Champs iyo ichatambirwa muno.

“Gore rino, tinoda kuti karate ive mumwe wemitambo ine mukurumbira munyika naizvozvo tiri kushanda nesimba kuti mutambo uyu uzivikanwe.

“Tinoda kubika vatambi vedu tovatumira kumitambo yekunze yakasiyana uko tinoda kuti vaende kunotamba karate yepamusoro vodzoka vaine menduru.

“Kuhwina kwavanenge vachiita tinoziva kuti kuchabatsira zvikuru kuti mutambo wedu ugowana rukudzo rwakafanira,” anodaro Shihan Mufundisi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>