ZOC yotaura nezvemaOlympics

08 Apr, 2021 - 15:04 0 Views
ZOC yotaura nezvemaOlympics Stephen Mudawarima

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Olympic Committee (ZOC) rinoti parizvino munhu mumwechete anokwikwidza mumutambo weRowing ndiye akwanisa kubudirira kunomirira nyika kumitambo ye2020 Tokyo Summer Olympics iyo ichaitirwa kuJapan munaChikumi.

Mitambo iyi yaifanirwa kuitwa gore radarika asi ndokuzomiswa nekuda kwedenda reCovid-19.
Chamangwiza weZOC — Stephen Mudawarima — anoti kuderera kwevatambi vachanomirira nyika kumitambo yemaSummer Olympics yegore rino kwakanyanya uye kuri kukonzerwa nekunyuka kweCovid-19 zvichitevera kumiswa kwakamboitwa mitambo yose.

“Kutaura kuno tangove nemutambo mumwe chete weRowing wabudirira kuenda kumaOlympics achaitwa gore rino.

Sangano reZimbabwe Rowing Association ndiro richazotizivisa kuti ndiani achazoenda kunomirira nyika kuJapan achiita Rowing.

“Covid-19 ndiyo yakakanganisa zvakawanda, ndiyo yaita kuti huwandu hwevatambi vedu vachaenda kumitambo iyi yemaOlympics hunyanye kudzikira kudaro,” anodaro Mudawarima.

Mudawarima anoti pane vatambi vanomhanya mijaho yemarathon nevanotuhwina vari kuenda kunokwikwidza kumitambo yakasiyana kunze kwenyika vachirwira kuenda kumakwikwi ekuJapan aya.
Shasha dzemujaho wemarathon dzichanokwikwidza kuRome, kuItaly uko kuri kuitwa mijaho yekurwira kuenda kuTokyo kozoita dzekutuhwina dziri kuSouth Africa uko dziri kuzamawo mhanza yadzo.

“Svondo rino, tiri kutumira shangwiti dzekumhanya dzemarathon kuRome, Italy uko vachanorwirawo tikiti ravo rekuenda kuJapan kozoti kuSouth Africa kutaura kuno kune vari kuzamawo vanotuhwina.
“Asi chatinoziva ndechekuti gore rino tichange tine nhengo shoma chaizvo dzichanomirira nyika kumutambo uyu,” anodaro Mudawarima.

KumaOlympics akaitwa muna2016 kuBrazil, Zimbabwe yakatumira vatambi vemitambo yakawanda vanosanganisira maMighty Warriors ayo akabva anyora nhorowondo yekuve chikwata chenhabvu chekutanga kubva munyika muno kunokwikwidza kumitambo iyi.

Panguva iyi — Dr Kirsty Coventry, avo pari zvino vave gurukota revechidiki, mitambo nezvekutandara — vakakwikwidzawo kumitambo iyi ndokunyora nhorowondo yekuve shasha kubva muZimbabwe kuhwina menduru dzakawanda kumaOlympics mumutambo wekutuhwinha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>