ZOC yoyambira vatambi

02 Jun, 2021 - 17:06 0 Views
ZOC yoyambira vatambi Stephen Mudawarima

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Olympic Committee (ZOC) riri kukurudzira vatambi vakabudirira kuenda kunokwikwidza kumitambo yeTokyo 2020 Olympic Games, kuJapan kuti vatevedzere mitemo yose yeWorld Health Organization (WHO) yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Mitambo iyi iri kutanga munaChikunguru.

Sangano reInternational Olympic Committee rakaparura “Play Book” iro rine matanho anofanirwa kutevedzerwa nevatambi vose vachakwikwidza kumaOlympics senzira yekudzivirira denda iri.

Matanho ari muPlay Book iri anosanganisira kuvhenekwa Covid-19 vatambi vasati vaenda kuJapan, kukurudzira kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19, kugara vakapfeka mamasiki, kugeza maoko nemvura ine sipo nguva nenguva kana kushandisa sanitizer uye kuti vasaungane.
Chamangwiza weZOC – Stephen Mudawarima – anoti sangano ravo riri kukurudzira chikwata cheTeam Zimbabwe chichaenda kuTokyo kuti chigare chakachengetedzeka uye kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19.

“Kwakauya Playbook remaOlympics iro takatumira kune vose vachaenda kumitambo iyi zvakabva kuInternational Olympic Committee maringe nekuzvichengetedza kubva kuCovid-19.
“Tiri kukurudzira vatambi vose kuti ngavatevedzere zviri muPlaybook iri nekuti ndizvo zvichatibatsira patichaenda kuJapan kuti tinge takachengetedzeka kubva kuCovid-19. Matanho arimo anosanganisira kuvhenekwa Covid-19, kubaiwa nhomba yeCovid-19, kugara takapfeka mamasiki, kugeza maoko nguva dzose uye kusaungana.

“Tiri panyaya yekubaiwa nhomba, hazvimanikidzwe munhu, asi isu tiri kuita hurukuro nevatambi vemunyika yedu tichivazivisa zvakanakira kubaiwa nhomba iyi,” anodaro Mudawarima.

Pari zvino muZimbabwe, vatambi vatatu kubva mumitambo inoti rowing nevaviri vanotuhwina ndivo vabudirira kuenda kunokwikwidza kumitambo iyi.
Mudawarima anoti pane mumwe mutambi wegorofu achiri pakati pekukwikwidza nekurwira kuenda kumitambo iyi saka vakangobatira hana mumaoko kuti agobudirira.

“Tine mutambi wedu wegorofu iye zvino akagara pa51 kubva pavatambi 60, saka tikasvika musi wa21 Chikumi ari mutop 60 anenge ahwina tikiti rekuendawo kuTokyo,” anodaro.

Zvakadaro, sangano reNational Athletics Association of Zimbabwe (NAAZ) rinoti riri kutarisira kuti shangwiti dzemujaho wekumhanya dzichabudirirawo kuenda kumaOlympics.

Director wecoaching and development kuNAAZ – Phakamile Lisimati – anoti sangano ravo rakaisa tariro pashasha dzemujaho dzinosanganisira Tinotenda Matienda, Ngoni Makusha, Kundai Maguranyanga naChengetai Mapaya avo vachiri pakati pekurwira tikiti rekuenda kumitambo iyi.
“Vatambi vedu vekumhanya vamwe vari kuAmerica koita vari kuSouth Africa uko vari kurwira tikiti rekuenda kumitambo iyi. Vanomhanya vanofanira kubata nguva dzinotarisirwa kuti vakwikwidze musi wa29 Chikumi saka vari kukwikwidza vari kunyika dzakasiyana.

“Isu kuno tinenge tichikurukura navo tichivaudza zvekuita kuti vagobudirira kuenda kumitambo iyi,” anodaro Lisimati.

Mitambo yemaOlympics yaifanira kuitwa gore radarika asi yakamiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19 uye ichatanga musi wa23 Chikunguru ichipera musi wa8 Nyamavhuvhu.

Share This:

Sponsored Links