Uncategorized

Zororo rePasika: ‘Ngwarirai Covid’

25 Mar, 2021 - 08:03 0 Views
Zororo rePasika: ‘Ngwarirai Covid’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti pachave nekufamba-famba kwakanyanya kwevanhu panguva yezororo rePasika izvo zvine njodzi yekukonzera kupararira kwechirwere cheCovid-19, nekudaro bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kutora matanho akakodzera ekumisa denda iri, zvikuru kumiganhu yenyika kunopinda nekubuda nevanhu.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri svondo rino mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa Covid-19.

“Apo nyika yatarisana nezororo reEaster, Cabinet inoona kuti panogona kuve nekufamba-famba kwakanyanya kwevanhu mukati menyika nevanobva kunze, izvo zvinoita kuti pave nenjodzi huru yekupararira kwechirwere ichi. Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kusimbaradza ongororo yaro uye nekuita shambadzo munharaunda dzakasiyana pamusoro pedenda iri apo zororo reEaster rave kusvika. Pachange pachinyanya kutariswa zvakare nzvimbo dzinopinda nekubuda nevanhu munyika,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 huri kuramba huchidzikira zvichitevera matanho akasimba akatorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwedenda iri.

Chikamu chevanhu vari kupona kubva kuchirwere ichi pari zvino chiri pa93,4 percent.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 36 717 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 34 447 vakatopona asi vamwe 1 516 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>