ZSA yopemha maPPE’s

05 Nov, 2020 - 10:11 0 Views
ZSA yopemha maPPE’s Stonard Mapfumo

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Softball Association (ZSA) riri mushishi yekutsvaga midziyo yekushandisa mukurwisa chirwere cheCovid-19 (Personal Protective Equipment kana kuti PPE’s) yakadai semamasiki nemagirovhosi zvevatambi apo riri kuronga kudzosa mutambo uyu.

Softball mumwe wemitambo yakamiswa munyika muno nepasi rose kubvira muna Kurume gore rino nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Zvikwata zvemuno zvakatokundikana kuenda kunokwikwidza kumitambo yakasiyana kusanganisira yeGaborone Invitational Men’s and Women’s Softball Tournament iyo yaifanira kunge yakatambwa muna Gumiguru.

Stonard Mapfumo anove mutungamiri wesangano reZSA anoti gore rino zvikwata zvavo zvesoftball zvakarasikirwa zvikuru nekunyuka kwakaita denda reCovid-19 sezvo vakatadziswa kuenda kunokwikwidza kumitambo yakawanda.

“Zvirongwa zvedu zvose zvataive nazvo zvekusimudzira mutambo uyu zvakaenda mudondo nekuti takavhiringidzwa neCovid-19.

“Taitarisira kunokwikwidza kumitambo yakawanda gore rino asi zvose zvakaenda mudondo, hakuna kwatakazomboenda kunokwikwidza nekuti mitambo yese yakazomiswa,” anodaro.

Mapfumo anoti iye zvino vari kumhanyisana nekutsvaga maPPEs ekushandisa kudzivirira chirwere cheCovid-19 izvo zvinozotumirwa kuzvikwata zvavo zvakasiyana.

Anoti vari kukurudzira zvikwata kunyoresa kuti zvine vatambi vangani kuitira kuti vagoziva huwandu hwemidziyo inodiwa mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

“Izvezvi kuti tikwanise kudzora mutambo wedu tinofanira kunge tichitevedzera zvinodiwa neHurumende kuti vatambi vedu vange vakachengetedzeka. Hatidi kuti chirwere ichi chisimuke zvekare kana kuti vanhu vatapurirane nekudaro isu tiri kutevedzera zvose zvinodiwa.

“Tinoda maPPE’s ekuti tipe zvikwata zvedu zvigochengetedzeka nekuti hatidi kuti vatambi vedu vakanganisike izvo zvinogona kuzokanganisa mhuri dzavo uye nenharaunda dzakasiyana,” anodaro Mapfumo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>