Uncategorized

Zupco yopa vana vechikoro mabhazi

24 Sep, 2020 - 10:09 0 Views
Zupco yopa vana vechikoro mabhazi VaEveristo Madangwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza

KAMBANI yeZimbabwe United Passenger Company (Zupco) ichapa mabhazi ekutakura vana nevarairidzi pachavhurwa zvikoro svondo rinouya nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Danho iri riri kutorwa nedonzvo rekuona kuti utano hwevana vachanyora bvunzo dzekupera kwegore munaZvita hwakachengetedzwa.

Pange paine kushishikana kukuru pakati peveruzhinji kuti vana nevarairidzi, zvikuru vari mumadhorobha, vachaenda kuchikoro sei zvichitevera kumiswa kufamba kwakaitwa neHurumende vemakombi nechinangwa chekumisa kupararira kweCovid-19 munaKurume gore rino. Zupco iri kushanda nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari mukuona kuti basa rekutakurwa kwevana nevarairidzi ringafambiswe sei.

Vana vanosvika 4 000 pari zvino vakanyoresa kuti vapinde muchirongwa ichi muguta reHarare bedzi. Mutauriri webazi redzidzo yepuraimari nesekondari, VaTaungana Ndoro, vanotsinhira nezvechirongwa ichi.

“Chinangwa chedu ndechekuona kuti mudzidzi wose nemurairidzi awana chekufambisa panotanga kudzidzwa,” vanodaro VaNdoro.

Chamangwiza weZupco, VaEveristo Madangwa, vanotiwo pane zvikoro zvine chitsama zvakaratidza chido nechirongwa chemabhazi achatakura vana nevarairidzi vazvo.

“Tiri kugadzirira kuvhurwa kwezvikoro kuitira kuti mabhazi edu ange akagadzirira.

“Tine mabhazi atichaisa padivi . . . tinoda kuona kuti mwana wose atakurwa kuendeswa kuchikoro.

“Tichiri kutaura nezvimwe zvikoro kuti mabhazi avepo anotakura vana nevarairidzi kubva kunzvimbo dzinogara veruzhinji.

“Kusvika pari zvino, tawana mashoko ari pamusoro pevadzidzi 4 000 vemuHarare avo vanoda chekufambisa saka tichange tichiti mwana mumwe chete anogara pake oga mubhazi nekuda kwehuwandu hwacho,” vanodaro. Vanoti vachiri kutambira mashoko maringe nehuwandu hwevana nevarairidzi vanoda kupota vachitakurwa kubva kune mamwe matunhu enyika.

Zvikoro zvakazvimirira zvakavhurwa svondo rapera kuvana vachanyora bvunzo apo zveHurumende zvichavhurwa nemusi wa28 Gunyana zvichitevera kuvharwa kwazvakaitwa nemusi wa24 Kurume nekuda kweCovid-19.

Share This:

Sponsored Links