Uncategorized

Zvaisava nyore: Prof Sadza

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Zvaisava nyore: Prof Sadza

Kwayedza

MUZVINAFUNDO Hope Cynthia Bakasa-Sadza, avo vanove muvambi uye Vice-Chancellor weWomen’s University in Africa (WUA) vanoti rwendo rwavo rwekuti yunivhesiti iyi ivepo rwakange rwusiri nyore sezvo vakasangana nezvimhingamipinyi zvakawanda.

Muhurukuro neKwayedza, Muzvinafundo Sadza vanoti mukusimudzira dzidzo yevanhukadzi vari kushanda pamwe chete naDr Fay Chung, avo vaimbove gurukota redzidzo nekusimudzirwa kwetsika nemagariro.

Izvi, vanodaro Muzvinafundo Sadza, vakazvironga mushure mekuona kuti pakange paine mukaha mukuru maringe nehutungamiriri hwemadzimai uye dzidzo, zvikuru munyika dzemuAfrica.

Chikamu che85 % chevadzidzi vepayunivhesiti iyi vanhukadzi kuchitiwo 15% vanhurume.

Kubvira mugore ra2005 kusvika 2015, pavadzidzi 4 961 vapihwa zvitupa neWUA, vanhukadzi i3 695 nevanhurume 1 266.

“Tinorwira kuti madzimai ange ari iwo ane chikamu chakakura payunivhesiti apo tinotora chikamu che85% kuchizoti vanhurume vari 15%. Tinotora vane makore makumi maviri nemashanu ekuberekwa zvichikwira, kunyanya vakapasa zvidzidzo zvishanu paO-Level paine Maths neChirunga. Asi vaye vanenge vakafoira Chirungu nemasvomhu, vane mikana yekuzofunda pano nekuti pane varairidzi vanovafundisa izvozvo vachimirira kuzoita madhigirii avo,” vanodaro Muzvinafundo Sadza.

Muzvinafundo Sadza vanoti zano rekuvamba yunivhesiti rakabva pashungu dzavo dzekusimudzira vanhukadzi, zvikuru avo vanosiira chikoro panzira nekuda kwematambudziko akadai sekushairwa mari yechikoro, kumitiswa nezvimwe zvakasiyana.

“Madzimai mazhinji akange asisina zviroto zvakanaka maringe neupenyu hwavo nekuda kwekuti vakange vasina dzidzo, tikaona kuti yaive isiri mhosva yavo asi kuti kushaikwa kwezvekushandisa uye nguva. Ndiko kusaka takavamba yunivhesiti ino.

“Mudzimai akadzidza anokwanisa kuzvimiririra muupenyu achiita sarudzo yake yakanaka inobatsira mhuri yake uye anokwanisawo kuzofundisawo vana vake,” vanodaro.

Kubvira mugore ra2002, yunivhesiti yeWUA yakasandura upenyu hwezviuru nezviuru zvemadzimai kuburikidza nekuvawanisa dzidzo.

Muzvinafundo Sadza vanoti pavakatanga yunivhesiti iyi, zvaisave nyore.

“Pandakafunga kuvhura yunivhesiti, murume wangu akambonditi, ‘Unoda kusiya basa, ko kana zvauri kufunga zvikaramba unozodii?’ Asi ndakavimbisa kuti ndinozvigona zvikabudirira uye ainditsigira zvikuru.

“Tine purazi reyunivhesiti riri kuMarondera uko tinochengeta mombe dzemukaka, nguruve uye yunivhesiti ichadzidzisa zvekubika nekubata vashanyi paHope Fay Hotel and Conference, iyo yaimbova Marondera Hotel,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mumwedzi waZvita gore rino tiri kutarisira kuenda kuManressa, pedyo neMabvuku muHarare, kunova kune muzinda wedu mutsva. Muzinda uyu wakanaka uye wakakura nekuti pose apa tange tiri kurenda dzimwe nzvimbo idzo dzakange dziri kufundirwa.”

Women’s University in Africa pari zvino ine vadzidzi 2 800 nevashandi zana. Muzvinafundo Sadza vane Master’s Degree in Public Administration iro ravakawana neUniversity of Missouri nePhD kubva paUniversity of Zimbabwe. Ishangwiti mudzidzo izvo zvakaona vachisarudzwa kuve chamangwiza wemabhodhi manomwe anosanganisira Zimbabwe Stock Exchange, Barclays Bank neDelta Corporation.

Mumwedzi waNyamavhuvhu gore rino, vakawana mubairo weSouthern African Development Community (SADC) Lifetime Achiever in Education and Training mushure mekuonekwa kugona kwavo mukusimudzira madzimai nekuvawanisa mikana yedzidzo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>