Uncategorized

Zvakakoshera magwaro ekuzvarwa

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Danai Chirawu —
IKODZERO yemwana wose kuti ange aine magwaro ekuzvarwa kwake (birth certificate). Kupa mwana zita inzira yekumuzivisa kunyika asi izvi zvinofanira kuzozadziswa nekumutorera magwaro ekuzvarwa.

Kune vana vakawanda muZimbabwe vasina magwaro ekuzvarwa izvo zvinokonzera matambudziko akasiyana muupenyu hwavo.

Bumbiro remutemo wenyika muSection 81 (1) (b) rinoti ikodzero yemwana wose – musikana kana mukomana – kupihwa zita pamwe nezita remhuri.

Kana aberekwa, mwana anofanira kunotorerwa gwaro rekuzvarwa kumahofisi ekwaRegistrar General ari pedyo mukati memazuva 42 uye kana azvarwa akafa, zvinofanira kuziviswa mukati memazuva 30.

Kutoresa mwana gwaro rekuzvarwa kwakosha nekuti kunoita kuti akwanise kudzidza zviri nyore sezvo pasina gwaro iri zvinonetsa kuti awane nzvimbo yekudzidza pamwe nekuzonyora bvunzo muzvikoro zveHurumende.

Pamusoro pezvo, kana mwana asina gwaro rekuzvarwa haakwanise kuwana rubatsiro pasi pechirongwa chevanoshaya cheBasic Education Assistance Module (BEAM) pamwe nezvimwe zvinoyamura vana vanoshaya.

Munyaya dzemutemo, mwana anofanirwa kuve negwaro rekuzvarwa kuti ange achiwana kodzero zvakaita senhaka yevabereki vake. Gwaro rekuzvarwa iri ndiro rinopa umboo hwehukama hunenge huripo.

Zvisinei, pane imwe nguva apo mwana anopihwa zita (surname) remumhuri yaamai vake nekuda kwezvikonzero zvakasiyana uye pakadai apa panodiwa umboo hunoratidza kuti mwana uyu ndewe mushakabvu ane nhaka yaanofanira kuwana.

Kumatare edzimhosva, kuti munhurume ange achibatwa nemhosva yekupinda pabonde nemusikana asati abva zera, panodiwa umboo hunoratidza kuti mwana uyu achiri mudiki uye izvi zvinoonekwa bedzi kuburikidza nemagwaro ekuzvarwa.

Kuna mubereki akange asina magwaro pamwe nezvitupa izvi, zvinorevawo kuti kunyangwe vana vake havakwanise kuve nemagwaro aya.

Izvi zvine matambudziko akawanda sekuti vasina magwaro ekuzvarwa pamwe nezvitupa havakwanise kubuda munyika muno vachienda kunze kana kutora zvitambi zvekutyaira motokari nekufamba vakasununguka.

Sezvo tadorongodza zvakanakira kuve nemagwaro ekuzvarwa, tave kuda kutsanangura kuti munhu angatore sei magwaro aya.

Muezaniso wekutanga ndewe mwana anenge aberekwa kunze kwewanano, kana baba vake vakaramba kumutoresa gwaro rekuzvarwa amai vanokwanisa kumutorera vomupa surname yavo.

Vanhukadzi vakawanda havadi kupa vana surname dzavo nekuda kwezvinoitika mutsika nemagariro pamusoro pevana vanenge vasina mazita ekumhuri dzavo.

Gwaro remwana rinopihwa kuchipatara kana kukiriniki kwaanenge azvarirwa rakakosha pakutoresa mwana birth certificate pamwe nezvitupa zvevabereki vake nemuchato kana uchinge uripo.

Kana mwana akasunungutswa nanyamukuta, panofanirwa kuve netsamba ine runyoro rwanyamukuta uyu pakutoreswa kwegwaro rake rekuzvarwa uye paine affidavit nevafakazi.

Hazvirevi kuti vabereki vemwana chete ndivo vane kodzero yekumutorera gwaro rekuzvarwa, sezvo vana vakaraswa kana vasina anochengeta vanokwaniswa kutorerwa nevamwe vanhu asi ndokunge vanhu vacho vaine makore anodarika 18.

Pane imwe nguva apo baba vanofa vasati vatoresa mwana wavo gwaro rekuzvarwa, pakadai apa amai vanokwanisa kunomutorera gwaro iri vaine hama dzemurume wavo idzo dzinonopa hufakazi. Kana vachinge vari amai vafa vasati vatoresa mwana wavo gwaro rekuzvarwa, baba vacho vanokwanisa kutora gwaro rekufa kwaamai vacho (death certificate), chitupa chavo negwaro rakapihwa pakuzvarwa kwemwana uyu vanomutoresa birth certificate.

Kana mwana achinge afirwa nevabereki vose, anenge achigara naye ndiye ane kodzero yekumutoresa gwaro rekuzvarwa. Kana pasina gwaro rinenge rakapihwa pakuzvarwa kwemwana kuchipatara kana kukiriniki, panodiwa kuti hama dzemwana uyu dzinge dzichipa hufakazi hwekuti chokwadi akazvarirwa muZimbabwe kana kuti kunze kwenyika.

Vanhu vadarika makore 18 okuberekwa vasina magwaro ekuzvarwa, vanokwanisa kuawana kana vachinge vaburitsa umboo hunoratidza mazvarirwo avakaita.

Umboo uhu hunogona kusanganisira gwaro rekubhabhatidzwa kuchechi, vakafazi vaviri (vanogona kusanganisira mukuru wekuchikoro chawakadzidza, vabereki kana dzimwe hama). Magwaro ekuchikoro kana tsamba yekubasa kwawakamboshanda zvinogona zvakare kushanda seumboo.

Pane dzimwe nyaya dzinogona kunetsa sekuti panenge pasina umboo hwekuti munhu akazvarwa rinhi.

Pakadai apa, munhu anokwanisa kuenda kubazi rezvevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya uko director wemubazi ari ane kodzero yekuti paitwe ongororo inoratidza mazvarirwo akaitwa munhu.

. Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Share This:

Sponsored Links