Zvakasunga kuDeMbare. . . makore 5 ichitatarika

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
Zvakasunga kuDeMbare. . . makore 5 ichitatarika David Mandigora

Kwayedza

Abel Ndooka
DYNAMOS FC svondo radarika yakagadza Tonderayi Ndiraya pachigaro chinopisa uyo ave murairidzi wechisere kubva Kalisto Pasuwa zvaabva kuchikwata ichi mugore ra2014 uye kusvika parizvino DeMbare iri kungotatarika mumitambo yayo.

Varairidzi vakagadzwa neDynamos vanosanganisira David ‘Yogi’ Mandigora uyo akatsiva Pasuwa asi haana kuzokwanisa kupedza mwaka mumwechete sezvo akadzingwa basa ndokutsiviwa naNdiraya.
Ndiraya akatungamira chikwata ichi chikazopedza mwaka chiri pechipiri mumashure meChicken Inn iyo yakahwina mukombe wePremier Soccer League mwaka uyu.

Gore ra2016, vazhinji vaitarisira kuti Ndiraya kana kuti Stanza – sezita rake remadunhurirwa – ndiye aizoenderera mberi achitungamira DeMbare asi hutungamiri hwechikwata ichi hwakashamisa vatsigiri venhabvu nekugadza Paulo Jorge Silva semurairidzi.

Silva akonzeresa nyonga-nyonga kuDynamos zvisati zvamboonekwa, zvekusvika pakuita zvimbokoma nevamwe vatambi vechikwata ichi.

Silva haana kugara nguva ndefu sezvo akazodzingwa basa kuDeMbare akatsiviwa naLloyd ‘Samaita’ Mutasa uyo aive mutevedzeri wake.

Samaita ndiye akazopedzisa mwaka ndokutungamira chikwata ichi chikapedza chiri pechishanu.
Gore iri rakave rekutanga mumakore anodarika 10 DeMbare ichipedza mwaka isiri pakati pezvikwata zvina izvo zvinozivikanwa seTop 4 muPSL.

Muna2017, Samaita akaramba achirairidza Dynamos uye mumwaka uyu yakakwanisa kupedza iri pechipiri palog.
Gore rapera, Samaita akazodzingwa basa apo DeMbare yaingorikitwa mumitambo yayo ndokutsiviwa naBiggie Zuze uyo aive mutevedzeri wake.

Asi Zuze haana kugara nguva ndefu sezvo akadzingwawo, Samaita ndokudzorwa pachigaro chinopisa achinzi abatsire chikwata ichi zvakare.

Samaita akazodzingwa kechipiri pachizouya Lloyd ‘Mablanyo’ Chigowe uyo akabatsira DeMbare kuti isaburitswe muPSL.
Mwaka uno, Mablanyo akatanga zvakanaka asi chikwata chake chakazorikitwa mitambo mina yakatevedzana izvo zvakatuma vatungamiri veDeMbare kuti vamudzinge basa ndokudzosa Ndiraya.

Maneja weDeMbare – Richard ‘Nyoka’ Chihoro – anoti nhabvu inoshanduka uye chikwata chavo chikaona kuti murairidzi haasi kukwanisa kuchibatsira kuhwina, vanomudzinga vounza mumwe wavanoona kuti anogona kubata basa.

“Munhabvu unototarisira kuhwina kana kukundwa, kana mukakundwa munotsvaga kugadzirisa zviri kuita kuti mukundwe. Ndiko saka tichishandura varairidzi nekuti hatingarambe takachengeta murairidzi iye asiri kugona basa.
“Varairidzi ava tinenge tichivabhadhara uye vachitoraramisa mhuri dzavo saka kana vasingaite basa ratinotarisira, ngavafambe-fambe,” anodaro.

Anoti vane chivimbo chekuti Stanza achadzoreredza DeMbare pamusoro apo yagara ichizivikanwa iri makore ose.
“Ndiraya mwana wedu wemuDeMbare uye akadzoka kumusha.

‘‘Tinoziva kuti achaita zvikuru uye tichasvika kure naye,” anodaro Chihoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>